Vanhu 5 200 vasungwa

Andile Tshuma
VANHU vanodarika 5 200 vasungwa nenyaya dzekutadza kutevedzera mirawo yakaiswa kuti veruzhinji vambogara kudzimba senzira yekuderedza kutapurirana nekupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vanhu vanodarika 1.8 miriyoni vabatwa nechirwere ichi pasi rose kuchiti vamwe vanopfuura 115 000 vafa nacho.

Kusvika nemusi weChipiri chino, vanhu 18 vange vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe, apo vatatu vavo vakatofa nacho.

Zimbabwe yapinda muvhiki rechitatu vanhu vari kudzimba.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vanhu 515 vakasungwa nemusi weMugovera bedzi ndokuti vekumahofisi avo vachiri kuunganidza humboo hwevakabatwa musi weSvondo neMuvhuro sezvo anga ari mazuva ezororo.

Asst Comm Nyathi vanoti vanhu vazhinji vari kutadza kutevedzera mitemo yekaiswa pakanzi vanhu vagare kudzimba sezvo vamwe vachienda kumafaro nekunwa zvinodhaka uye kufamba zvisina tsarukano.

“Tasunga vanhu vanosvika 5 226 kubva patanga kunzi vanhu vagare kudzimba nekuti havasi kutevedzera zvakatarwa. Vazhinji vevasungwa ava vane mhosva dzakanangana nekutyora mitemo yemumigwagwa, kuita zvemabhizimisi zvisiri pamutemo panguva iyi, kufamba zvisina tsarukano, kutengesa doro, kuungana pamitambo yekufara nezvimwe,” vanodaro.

“NeMugovera bedzi, takasunga vanhu 515 uye vamwe vakawanda vakasungwa neSvondo neMuvhuro,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×