Mukomana haaroore mvana?

MAKASIMBA here tete? Ndiri mudzimai ane makore 30 okuzvarwa uye ndine vana vaviri.
Dambudziko rangu ndeiri: Mwana wangu wekutanga ndakamubara ndichiri kuchikoro, zvekuti baba vake ndinongonzwa kuti vatove neimwe mhuri kuMozambique. Kubvira ipapo tete, ndanga ndakazvibata ndichizvishandira. Ndipo pandakazosangana nababa vemwana wechipiri wandinaye. Ini nemurume wangu tinowirirana asi dambudziko nderekumba kwavo. Amai vemurume wangu nehanzvadzi dzake ndivo vakamira kuparadza imba yangu. Vaiti mukomana haangaroore mvana.
Tezvara vangu vakamboedza kudzora amai nevana vavo vasikana ava asi zvakaramba. Iye zvino ndava kugara kwangu ndega murume wangu achibhadhara rendi, asi iye achigara nevabereki vake kumba kwavo.
Saka nhai tete ndosvika rinhi ndichirarama upenyu hwekugara ndega.
Kudzai Rwavhu.
Domboshava.

MHINDURO:
Dambudziko rako muzukuru riri kushungurudza vamwe vanasikana vanoroorwa asi vakamboita vana. Vamwe vana amai nevanasikana vemazuva ano vaparadza dzimba dzevanakomana nekwevanasikana zvose.
Chinangwa chavo ndechekuda kuramba vachipihwa zvinonaka. Ndokusaka vanakomana vakawanda vave kugadzirwa nevakadzi vavo zvekuti anobva akanganwa kumusha kwaakaberekwa.
Zano randingakupa muzukuru nderekuti tsvaga rubetsero rwekuti kana murume wako achishandiswa naamai vake zvishaye basa, mugare mose semurume nemukadzi zvakanaka.
Murume ndewako muzukuru, saka shinga kuenda kumachechi nekuzvinamatirawo pachako kuti zviri kuitika izvi zvipere. Unogonazve kumbotaura dambudziko rako kumadzisekuru kana madzitete vemurume wako kuti vakubatsire nekuti sekuona kwango murume anokuda sezvo achikurojera imba.
Tete.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×