Yvonne Manyanja
MUKUWASHA wekuti ari kushungurudzwa naambuya pamwe chete navatezvara vake, avowo vanoti vakatotama musha mushure mekunge avabvisira marata ose pamba pavo, achinzi murombo asi vachiramba kutambira mari yake yeroora akazokwira kumatare edzimhosva.
Jasper Simango nemunin’ina wake Gift Fernando vakamhan’arira tezvara vavo Eriya Makono naambuya wavo, Viola Makono, pamwe chete nemwanasikana wavo, Everjoy Makono, kuHarare Civil Court vachiti vanogara vachivashungurudza nekuda kwekuti Simango akatizirwa nemwanasikana wavo anonzi Annie Makono.
Fernando akataurira dare kuti ambuya vavo vanogara vachishandisa Everjoy kuti anomhan’ara manyepo kumapurisa uye izvi vanozviita nekuti mukoma wake akatizisana nemwanasikana wavo zvavakange vasingade.
“Changamire, ndanzwa nekutambudzwa naamai ava. Vanoenda kumapurisa kunotinyepera kuti tinovatuka kana kuvarova. Izvi vanozviita kuburikidza nemwanasikana wavo Everjoy. Saka ndamira pamberi penyu ishe wangu, ndichitsvaga gwaro redziviriro nekuti handichazivi kuti vanotifungirei,” akadaro.
Simango akati zvinoitwa naambuya vake inyaya yekuti murombo uye vakatombotaura mashoko ekuti achazviona nekuda kwekutora mwanasikana wavo iye achiziva kuti musvuu ganda dzvinyu risina gushe.
“Ishe wangu, ambuya vangu vandishungurudza zvekuti ndaneta pamakore matanhatu andagara nemwana wavo. Izvi zvavanoita vari kuda kuti ndirambe mwana wavo asi ini nemwana wavo tinodanana.
“Pamakore ose matanhatu atagara tose hapana kana musi mumwe wavakambonzwa kuti ndatukana nemwana wavo. Ndinodawo gwaro redziviriro nekuti zvinhu zvacho zvave kutonyanya kutiomera,” akadaro.
Simango akati anogara achipomerwa mhosva dzaanenge asina kupara naambuya vake.
“Imwe nguva ndakanzi ndarova mwana wavo mushure mekunge ndasangana naye munzira. Pamusoro pazvo ndakavabvunza kuti vakanga vachida mwana wavo here vakabva varamba asi patakaenda kumba kwavo tichida kubvisa roora vakaramba zvakare kuritambira.
“Chaicho chavari kuda ndachishaya, kutaura kuno hama dzangu hadzichina mufaro nekuda kwaamai ava. Vakatombosvika pakundijunga-junga pamwe nekurova mwana wavo apo vakange vandiona ndichifamba naye. Nndamboshingirira asi ndaneta,” akadaro.
Viola akaudza dare kuti vakuwasha vake vanomunyepera achiti hapana kana musi mumwe waakavashungurudza uye kuti haana kumbobvira akaramba kutambira roora ravo.
“Ndingarambe mari nekunetsa kwairi kuita? Mari yavakaunza kumba imari yetsvakiraikuno yavakaunza mugore ra2011. Vakomana ava vanouya kumba kwangu vachipaza midziyo uye vakatobvisa marata epamba pangu.
“Kutaura kuno takatotama taona kuti hapasisina kugarisana.
‘‘Ava vakange vari vavakidzani vangu kutaura chokwadi ndinorwadziwa nekuenda kwakaita mwana.
‘‘Asi ndakamutsiudza paakaregedza kuenda kuchikoro achiswera akagara nemukomana uyu saka ndipo pakatangira bongozozo rose iri,” akadaro.
Akati Fernando akatombobhadhariswa faindi kumapurisa mushure mekunge amutuka.
Mutongi Barbra Mateko akati Simango anofanira kudzoka kudare zvakare kuzonzwa mutongo wenyaya iyi asi akarasa chikumbiro chaFernando achiti zviri pachena kuti ndiye aitoshungurudza ambuya vavo.




