MACHECHI anorumbidzwa nebasa raari kuita mukubatana nemapoka akasiyana mukuchengetedza nharaunda pamwe nezviwanikwa zvenyika.
Rumbidzo iyi yakaitwa nguva pfupi yadarika negurukota reHurumende rinomirira dunhu reHarare, Cde Miriam Chikukwa, pakuparurwa kwedambarefu rakaimbwa nemubatanidzwa wemachechi anosvika 25 rinonzi The Church Goes Green iro riri pamusoro pekuchengetedza nharaunda.
“Zvakakosha kuti vemachechi vapange mazano kumasangano avo maerano nekuchengetedzwa kwenharaunda zvakaita sekuti vanhu vasarase marara pese-pese, kuchera-chera makomba zvisina tsarukano, kupisa masango nekutema miti,” vanodaro Cde Chikukwa.
Achitaurawo pachiitiko ichi, Dereck Mpofu, uyo anove anti-litter and water conservation goodwill ambassador,uye ari ndiye akanyora nziyo dziri padambarefu iri, anoti ibasa remunhu wose kuchengetedza nharaunda yakachena.
“Tiri kuti marara kwete nezvese zvinosvibisa nharaunda zvinova zvakaita kuti vemachechi vatibatsire kukusha mashoko maererano nenharaunda kubudikidza nekuimba.
“Mutsvakiridzo dzatakaita mumaguta ose, Kwekwe ndiyo ine hutsanana munyika yose. Harare iri kukanganisika nekuraswa kwemarara zvinova zvinokonzeresa zvirwere zvakaita semanyoka,” anodaro Mpofu.
Anoti pari zvino kwave nenzvimbo dzakasiyana munyika uko kunobikwa nekugaiwa marara achigadziriswa zvimwe zvinhu nedonzvo rekuderedza dambudziko rekuraswa kwemarara pose-pose. Dzimwe dzenziyo dziri padambarefu iri ndedzinoti Kugara Zvakanaka, Marara Mumabhini naMasango.




