Anosikiza amai demo…‘Ndinokuuraya mukadzi iwe’

Amager Mufema
MWANAKOMANA wekumiswa mudare nenyaya yekusikiza amai vake demo pamwe nekuvamonya ruwoko achiramba kutumwa anoti haazive kuti chii chinenge chamugara paanoita izvi.

Sinodia Savanhu akaendesa mwanakomana wake, Malcon Savanhu (18), kuHarare Civil Court achiti upenyu hwake huri parumananzombe.

Akaudza mutongi wedare kuti: “Handizive kuti kubereka imhosva here, ndashaiswa rugare nemwana wangu wamunoona uyu. Haandione saamai vake.

“Ndikamutuma anoramba obva atora demo otanga kundisikiza naro achiti, ‘Ndokuuraya mukadzi iwe’ uye anondimonya ruwoko. Ndiko kusaka ndapotera kuno kudare, kuti mundipewo gwaro redziviriro,” akadaro Sinodia.

Akaenderera mberi achiti ave kugara achityira upenyu hwake nekuda kwezvinoitwa nemwanakomana wake.

“Ndave kutogara ndichityira upenyu hwangu nekuti zviito zvemwana uyu chokwadi vedare mukasatora matanho ndinofa rakacheka nyika. Ndinokumbirawo dare rindipe mvumo yekuti mwana uyu ndimudzinge atsvage hake kumwe kwekugara nekuti ini handikwanise kugara nemhondi,” akadaro Sinodia.

Malcon haana kupokana nezvaitaurwa naamai vake achiti haazive kuti chii chinenge chamugara paanoda kuvatema nedemo.

“Handipokane nezvose zvataurwa naamai vangu, zvose ndinozviita asi handizive kuti chii chaizvo chinondibata kuti ndisvike pakuita zvinhu zvakadai,” akadaro Malcon.

Mutongi Barbra Mateko akapa Sinodia gwaro redziviriro ndokuti Malcon anofanira kuchengetedza runyararo pamwe nekuterera amai vake.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×