Mukuwasha makore 15 mujeri abata ambuya chibharo

Prosper Dembedza

MURUME ane makore 37 okuberekwa wemumusha wekwaMandaza kwaMambo Nyamweda, kuMhondoro akatongerwa kugara mujeri kwemakore 15 nemhosva yekubata chibharo pamwe nekurova ambuya vake vane makore 56.

Walter Maponga akabatwa nemhosva dzose dziri mbiri, yekubhinya pamwe nekurova nemutongi wedare reHarare Magistrates’, Muzvare Jessie Kufa.

Vakamupa mutongo uyu zvichitevera umbowo hwaimuroverera pamhosva.

Muchuchisi Blessed Songozo vakaudza dare kuti nemusi wa17 Gunyana gore rino, kwaMakoni kwaMambo Nyamweda, ambuya ava vaive muimba yavo yekurara naamai vavo vane makore 94 ekuberekwa apo Maponga akasvikopinda mumba umu.

Paakapinda, akavarova achivapomera mhosva yekutora mukadzi wake.

Maponga akabva akagara matunduru ambuya vake uye ndokuzovawisira pasi nechisimba ndokuvabata chibharo.

Ambuya ava vakazonunurwa naMai Godfrey Makoni naCleopas Nziramasanga avo vakabata Maponga panzvimbo iyi.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×