Mukuwasha obatwa huruweki naambuya

Gamuchirai Muzanenhamu
AMBUYA vekudhonzera mukuwasha wavo kudare redzimhosva vachida gwaro rerunyararo vakashaya pekupinda apo murume uyu akati amai ava vane katsika kekupindira munyaya dzake paanenge achinetsana nemudzimai wake zvinoita kuti vapedzisire vamudzipa pahuro.

Theresa Shamurabiza akamhan’arira Farai Makaza kuHarare Civil Court achiti anomutukirira pamwe nekungomusungisa.

“Mukuwasha wangu haatomboziva kuti ndiri ambuya vake. Anonditukirira pose patinosangana, kunyangwe mazuva aakanga ari kuSouth Africa ainditumira mameseji achitaura zvisinei neni izvo zvandaisaziva nekuti ainetsana nemwana wangu. Anondipinza munyaya dzavo,” vanodaro ambuya ava.

Vanoenderera mberi vachiti vakasungiswa nemukuwasha vakazobuda mutirongo musi waChikunguru 30.

“Akandisungisa ndikazoburitswa musi wekuvhota, mapurisa aona kuti hapana chandingarambira ndiri musungwa ipo pasina nyaya.”

Ambuya ava vanoti Makaza haana kana kubvisa pfuma yeroora.

“Paaindituka, ndaimuregerera ndichiti pamwe achakurawo. Asi ndiri kutoona kuti ari kuramba achindijairira apa iye asina kundiroorera,” anodaro Shamurabiza.

Makaza anoti zvose zvinotaurwa ndezvekunyepa uye ambuya vake ndivo vanomubata kora yehembe yake vachida kumudzipa nekuti vari kupindira munyaya dzake nemukadzi wake.

“Zvese zvavari kutaura manyepo, handivatumire mameseji, kana vainawo ngavaratidze dare uye handisati ndambovatuka nekuti ndakavaona kamwe chete pavakauya kudare nemukadzi wangu achida mendenenzi.

“Ndipo pavakazopedzesera vandidzipa pahuro. Vakandibata kora nekuti vakanga vave kupindira panyaya dzangu nemwana wavo,” anodaro Makaza.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa mumwe nemumwe wevaviri ava gwaro rerunyararo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×