Mukuwasha wekuchiva ambuya akaripiswa

Hardway Nyakuwarwa
MUKUWASHA wekunzi akaudza ambuya vake, amai vemudzimai wake, kuti anoda kushinha navo akaripiswa $20 natezvara vake nekuda kwehunhu hwake hwakafumuka uhu.Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Dories Dhewa akamhan’arira hanzvadzi yake, Tafadzwa Nguruwe, achiti ari kumushungurudza nekumurova pamwe nekumutorera mari yake.

“Changamire, ndinokumbirawo kuti ndichengetedzwe sezvo achishuvira kuti ndibve pamba pevabereki patakasiiwa. Haadi kushanda saka akandikumbira mari ini ndikati handina anoti ‘unopenga waishaya sei’.

“Anoda kuti ini ndimubhadharire mari yechikoro yevana vake asi isu tose tiri vana. Anonwa doro nechikomba changu kana aguta oti haadi kumuona. Handizivi kuti chii chandingaita kuti anzwisise,” akadaro Dhewa.

Mukupawo divi rake, Nguruwe akati Dhewa ainyepera dare.

“Zvose izvi manyepo, murume wehanzvadzi yangu iyi akashaya nekudaro ave kuuya nechikomba pamba saka haadi kutsiurwa. Chikomba chake chakasvika kumba ini ndisiko chikati chaida kurara nemudzimai wangu izvo zvisingatarisirwi nemunhu ane dzinodhonza.

“Ndakamuripisa $20 nekuda kwehunhu hwake ihwohwo akabvuma kuripa saka ndakazomuti munhu wako asina hunhu handidi kumuona pano. Ndipo pakatangira daka racho. Pamusoro pezvo, chikomba ichi chakanditi ndinofanirwa kubva kuti vazosare vachitonga nekusasana pamba pevabereki vangu,” akadaro Nguruwe.

Mutongi Trevor Nyatsanza akarasa chikumbiro chaDhewa achiti pakange pasina umboo hunogutsa dare hwekuti anoshungurudzwa naNguruwe.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×