‘Ndinoda kuti dzinza rikure’

Garnet Zvimba
MUMWE murume samusha anoti anoda kuita vana vakawanda zvikuru kuti dzinza rake rikure sezvo ari iye asara oga mumhuri yake zvisinei nekuti ari kutadza kuriritira vana vacho.Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court uko Faith Sibiya akaendesa Knowledge Mutaviri achida $270 yekuchengeta vana vaviri.

“Chikumbiro changu ndechekuti murume uyu andibatsire kuchengeta vana. Mari anoiwana asi handizivi kuti anoiisa kupi. Ndinoziva achiita basa rehu‘plumber’ achiwana $2 000 pamwedzi, zvoreva kuti haana hany’a nevana vake.

“Mari yemwana yechikoro i$170 iye ndipo anoti anondipa $60. Munoonawo zvichishanda here izvozvo? Mumwe mwana wemukadzi mukuru anomuendesa kuAllan Wilson uko anobhadhara $160. Wangu ndiye angazotadza nei kuendesa kuchikoro?” akadaro Sibiya.

Akati mari yaanowana kubasa kwake ishoma zvekuti haikwane kuti aendese mwana kuchikoro uye Mutaviri aimurambidza kushanda asi ari iye akamuita kuti asiire chikoro panzira apo akamupa pamuviri.

Achipawo divi rake, Mutaviri akati anongowana $180 bedzi pamwedzi.

“Ini mari yaanotaura kuti ndinowana handiizivi, ndinongowana $180 pamwedzi. Mwana waanoti ari kuenda kuchikoro kunyepa, hapana zvakadaro. Pamusoro pezvo, ndine mumwe mudzimai nevana vashanu vandinochengeta.

“Ndiri kuita vana vazhinji changamire wangu, nekuda kwekuti ndini ndoga kudzinza rekwangu saka ndinoda kuti musha ukure,” akadaro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Mutaviri abvise $100 pamwedzi.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×