Mumwe tasa vachirwira musikana

Kingstone Mapupu

VARUME vaviri vainwa doro mune rimwe bhawa riri pakomboni yepamugodhi kuKadoma, kunharaunda yeMashonaland West, vanonzi vakakakavadzana nekuda kweshamwarikadzi zvekusvika pakusara mumwe wavo afa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Magarate Chitove, vanoti izvi zvakaitika pakomboni yepaJiki Mine iri papurazi reMayflower, kuKadoma munguva pfupi yakadarika.

“Tine murume wemakore makumi maviri ekuzvarwa uyo akapondwa nekurohwa netsvimbo nemurume ane makore 41 apo vaviri ava vairwira musikana,” vanodaro Insp Chitove.

Vanoti ari kupomerwa kuponda mumwe ndiWillard Sikweleti (41) uyo anozivikanwa kunzvimbo iyi saWidzo uye nyakufa anonzi Tinashe Jonasi (20).
Vaviri ava vanonzi vakatanga kunetsana nekuda kwemusikana uyo vanonzi vaidanana naye vose, Sikweleti achinzi ndiye akatanga kurova Jonasi uyo akaedza kutiza ndokubva amumhanyisa netsvimbo iyo akamurova nayo mumusoro katatu.

“Jonasi nekuda kwekurohwa uku, akazopunzikira pasi ndokukuvara maronda akadzika mana achibva abuda ropa zvakanyanya. Wayne Masanje (35) wekuRimuka, ikoko kuKadoma akazobatsira kutakura mufi uyu kuti vanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Willard Sikweleti asungwe,” vanodaro Insp Chitove.

Tsvimbo yakashandiswa mukupondwa kwemufi uyu nechitupa chemuchakabvu zvakawanikwa panzvimbo yakaponderwa Jonasi.
“Mapurisa edu akachengeta murume uyu Willard Sikweleti vachifambira mberi nekufeya nyaya iyi, mutumbi wemufi uchibvawo wazoendeswa kuchipatara cheKadoma kunoongororwa uye wakawanikwa uine maronda mana mumusoro,” vanodaro Insp Chitove.

Vanokurudzira vanhu kuti varemekedze upenyu vosiyana netsika yekurovana nekupondana.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×