MASHOKO ekuti mutambi weJuventus, Paulo Dybala, ari kutengwa neBayern Munich akarambwa nemurairidzi wechikwata ichi – Carlo Ancelotti.
Kunyangwe hazvo achiti mutambi uyu ane tarenda, murairidzi wekuItaly uyu akati mashoko aya ndeenhema uye Ancelotti akatumwa kupindura mibvunzo pamusoro pezvainge zvataurwa nachamangwiza weBayern, Karl-Heinz Rummenigge, uyo ainge ataura zvekufarira mutambi uyu.
Rummenigge akange ataura nezvekutenga vatambi vepamusoro vakaita saDybala achiti anomuda.
Ancelotti akazopomodza mashoko ari kutenderera achiti, “Dybala mutambi wepamusoro asi mashoko aya ndeenhema. Isu chatiri kufunga nezvazvo mitambo yedu chete inotevera. Hatina nguva yekuswera tichifunga nezvenhema idzi.”
Dybala anwisa ka14 mumitambo yese mwaka uno uye mutambi uyu – uyo ane makore 23 okuberekwa – anoonekwa semumwe wevari kusimukira muEurope yese.
Apo Juve iri kutungamira muSerie A, zvichatoda kusimba zvikuru kuti mutambi uyu abve achienda kuBayern iyo iri kutambawo zvinonwisa mvura.
Chikwata chekuBavaria ichi chiri kutungamira nezvibodzwa 13 muBundesliga uye chasarirwa nemitambo misere kuti ligi racho ripere. – Daily Mail Football.




