Kushungurudzwa nenzira yebonde

Geraldine Nyaku —
NDINORANGARIRA makore mashoma adarika apo ndaienda kuchikoro ndainzwa vamwe varume vachidaidzira mashoko ekuti, “Hona mwana wako!’ kana kuti “landlord”.

Hazvina kunditorera nguva kuona kuti mashoko aya anowanzoshandisirwa kuvanhu vechidzimai nevarume vanenge vachiedza kutsanangudza mapfekero avanenge vakaita, zvimiro zvavo zvemuviri kana mafambiro avo.

Ndakaona kuti madzimai mazhinji – kusanganisira ini – tinoguma tave kuregedza kufamba panzvimbo dzinoungana veruzhinji nekutya kudzikisirwa chimiro nehunhu.

Kuita kwakadai imhosva huru yekushungurudza madzimai nenzira yebonde uye panofanira kutorwa matanho ekudzivirira izvi.

Kushungurudzwa kwevanhu nenzira yebonde kunouya zvakasiyana sekuitirwa zvinhu zvaunenge usingadi zviine chekuita nenyaya dzepabonde sekukumbirwa bonde nemimwe mitauro ine chekuita nezvebonde kana kubatwa mitezo yemuviri pasina mvumo.

Izvi zvinowanzoitika apo vanhukadzi vanenge vachida kupasiswa muzvikoro kana kuwaniswa mabasa.

Nyaya dzekushungurudzwa nenzira yebonde dzinoitika mudzimba, kuzvikoro nekumabasa kana munzvimbo dzinosangana veruzhinji semuzviteshi munokwirirwa mabhazi nemuzvitoro.

Vanhu vari munharaunda vanogona kunge vasina ruzivo nenyaya dzakadai asi dzichitoitika kwavari nokudaro zvandanyora pamusoro zvinogona kunge zvisiri zvese.

Kune mimwe mitauro inenge yeje-e asi iine zvituko mukati kuvanhukadzi sekuti, ‘mutumba wavasekuru” na”landlord” inova inowanzotaurwa mumakombi nevamwe vanhurume pamusoro pechimiro chemunhukadzi. Vamwe vanogona kuda kuzembera munhu, kana kumubata nhengo dzemuviri, kurova kana kufambisa nyaya dzemakuhwa uchipa zvipimo zvemunhu maringe nenhau dzepabonde. Pamusoro pezvo, pane nyaya dzechiramu pamwe nekutumira mifananidzo yemunhu anenge asina kupfeka kune veruzhinji kana zvinyorwa paWhatsApp nedzimwe nzira dzinoshandiswa mukufambiswa kwemashoko.

Zvinofanira kuzivikanwa kuti hakuna mitemo iri pachena inorambidza nyaya dzekumbunyikidzwa kunze kweunoona nezvemabasa – Labour Act.

Zvisinei, mimwe mipande yemutemo iri pamusoro pezvenyaya idzi inosanganisira Section 65 (1) yebumbiro idzva remutemo weConstitution of Zimbabwe iri pamusoro pekodzero dzevanhu nekushandirana kwevanhu kwakanaka. Section 51 ne52 yebumbiro remutemo wenyika inoti vanhu vane kodzero dzekuva vakachengetedzeka nguva dzose.

Kune humwe hunhu hunotorwa semhosva hwakadai sekurova vamwe, kufamba usina kupfeka pamberi peveruzhinji, kutukirira nezvinyadzi, kuteverera munhu nekutumira mashoko akashata panharembozha.

Chikamu cheSection 67 (1) of the Criminal Law (Codification and Reform) Act chinodonongodza mhosva dzine chekuita nenyaya yepabonde sekuti murume anobata-bata nhengo dzemuviri dzemunhukadzi zvisina mvumo. Kuchizoti mutemo unotarisa zvakare kushandiswa kwemashoko akaipa kana kuti ekutukirira.

Mashoko aya anenge achidzikisira chimiro chemunhu kana kudura zvakavanzika zveupenyu hwake.

Nyakuparirwa mhosva yakadai anogona kuenda kumatare edzimhosva eCivil Court kuti ange achiripirwa marwadzo kana kurovha kwaakaita kubasa akarasikirwa nemari nekuda kwezvituko izvozvo.

Zvakare, kune nyaya dzekushungurudzwa mudzimba nekumabasa idzo dzinoonekwa pasi pemutemo weDomestic Violence Act Section 3.

Nyaya idzi dzinosanganisira kushungurudzwa nenzira dzakadai sekutukirirwa nokudaro magwaro edziviriro kana kuti erunyararo anogona kupihwa kumuparirwi wemhosva kuburikidza nekumatare edzimhosva.

Mumabasa, nyaya dzekushungurudzwa kwevanhu hadzitenderwe zvachose.

Kana usingazive kuti ungamhan’are kupi nyaya dzekumbunyikidzwa idzi kana kuti wodii, zvakakosha kuti uchengetedze umboo hwese hune chekuita nenyaya dzakadai pamagwaro akasiyana paine umboo hwakadai sezvinyorwa, nguva, nenzvimbo inenge yakaitira zvinhu.

Vashandirwi vanofanira kukurukura zvakasimba nevashandi vavo maringe nenyaya dzekusungurudzwa nenzira yebonde kuburikidza nekuita zvirongwa zvekuvadzidzisa uye kudzika mitemo ine chekuita nenyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevarume.

Pamusoro pezvo, vashandirwi vanofanira zvakare kutora matanho akakodzera kana pachinge paitika nyaya dzerudzi urwu.

Sangano reZimbabwe Gender Commission riripo kurwisa nyaya dzekusaenzana kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi uye kutambira zvichemo zvevanhu vanenge vawirwa nematambudziko akadai.

Zvakadai, vanhu vanofanira kubatana mukurwisa nyaya dzekumbunyikidzwa nenzira yebonde.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900/0776

736 873/0785 023 840 kana dzetoll-free 08080131.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×