Kingstone Mapupu
MURUME wekwaTamandayi kwaMambo Mutema, kuChipinge anonzi akaponda mukoma wake nekumutema-tema nebhemba mushure mekunge vanetsana pamusoro peimbwa.
Amos Nduna (48) wepapurazi repaNumber 14 kuZiyapenduka Village akatomiswa mudare nekuda kwemhosva iyi.
Mutauriri wechikamu chemapurisa chematikitivha eCriminal Investigations Department (CID), Detective Inspector Rachel Muteweri, vanoti nemusi wa5 Chivabvu nenguva dza9 mangwanani – Amos Nduna – uyo aiva akamakana nemukoma wake, akasangana naye apo aienda kumunda wake wemabanana ndokutanga kupopotedzana nekuda kwenyaya yeimbwa dzavo.
“Vaviri ava vasangana kudaro, vakatanga kunetsana nekuda kwenyaya yeimbwa dzavo ndokuzorandutsirwa nevamwe vanhu vaidarika vachibva vasiyana mumwe nemumwe wavo akaenda kurwendo rwake. Nemusi mumwechete uyu, Amos Nduna akazotevera mukoma wake kumunda wake wemabanana uko akasvikomutema-tema muviri wese nebhemba achibva afa ipapo,” vanodaro Det Insp Muteweri.
Vanoti mutumbi wemurume uyu wakazowanikwa rechimangwana racho mangwanani nemushandi wemufi uyu uyo akanga aenda kumba kwake achida kunotanga basa ndokuwana gonhi repamba pake rakakiiwa.
“Mudzimai uyu paakawana dhoo rakakiwa, akazotevera kunotarisa kumunda wemabanana uko akasvikowana mutumbi uyu wakarara mukati medivi reropa akabva azomhanya kumapurisa kunomhan’ara nyaya iyi,” vanodaro Det Insp Muteweri.
Vanoti mapurisa akatanga kufeya nyaya iyi zvakabva zvaita kuti Amos Nduna asungwe uye zvombo zvaakashandisa mukuuraya mukoma wake zvakawanikwa.
“Murume uyu akatomiswa mudare redzimhosva reChipinge Magistrates Court nemusi wa8 Chivabvu pamberi pemutongi Cathrine Dzivanyika namuchuchisi Tanaka Mufudza. Nyaya yake yakadarikidzwa mberi uye achazodzoka zvekare mudare nemusi wa22 Chivabvu achingova muhusungwa,” vanodaro Det Insp Muteweri.




