Munotidadisa: Chihuri

Comm-Gen Augustine Chihuri vachikwazisa mamwe emapurisa akadzoka kuSouth Sudan.
Comm-Gen Augustine Chihuri vachikwazisa mamwe emapurisa akadzoka kuSouth Sudan.

MUKURU wemapurisa eZimbabwe Republic Police, Commissioner-General Augustine Chihuri, svondo rino vakarumbidza mapurisa ari kuchengetedza runyararo kunyika dzakasiyana pasi pechirongwa cheUnited Nations Peacekeeping Mission nekushanda kwaari kuita nesimba izvo zviri kusimudzira mureza weZimbabwe.

Vachitaura muHarare apo vaichingamidza mapurisa 40 akadzoka kubva kuSouth Sudan, Comm-Gen Chihuri vakatenda mapurisa aya nekuzvipira mubasa ravo.

Zvakadaro, chimwe chikwata chemapurisa eZRP chinotarisirwa kusimuka muno chakananga kuSouth Sudan kunochengetedza runyararo munguva pfupi iri kutevera.

“Tinofara zvikuru kuti mapurisa edu akaenda akanoita mabasa atakavatuma zvine hunyanzvi zvinova zvakasimudza mureza wenyika ino. Hamuna kungova vashanyi vanoenda kunoona dzimwe nyika bedzi. Kunyika dzatinokuendesai kune mamiriro ekunze akasiyana nekuno pamwe nemarudzi, tsika nemagariro, mitauro yakasiyana, hondo nezvimwe zvinorwadza. Asi imi makashinga mukanogarako kwegore rose vamwe vakadzoka vakwiridzirwa zvigaro zvavo zvebasa,” vanodaro.

Comm-Gen Chihuri vanoti mapurisa achasunga vose vachabatwa vachiita mhirizhonga, kusanganisira yemudzimba.

Vanoti mhirizhonga inokanganisa budiriro yenyika pamwe nekukonzera kusagadzikana mumagariro everuzhinji.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×