MUKUWASHA wekusiya vana vake vachidya nhoko dzezvironda vachigara naambuya vake akazogurwa kunorira apo akazvuvirwa kudare ndokutemerwa kuti abhadhare $60 yemendenenzi pamwedzi.
Fatima Tafirenyika akakakatira mukuwasha wake Martin Muparati kuHarare Civil Court achida mari yemendenenzi yakuriritira vana vake vaari kugara navo.
“Ishe wangu, inini ndiri kutotamburawo asi mukuwasha wangu haazvioni zvese izvozvo, hameno kuti anoti vana vacho vanochengetwa nani. Ndiri kudawo mari yemendenenzi $150 yekuti vana vake vatatu vawane chekudya nekuenda kuchikoro kwete zvekuti vana vanoita sekunge vasina baba ivo varipo,” akadaro Tafirenyika.
“Ini ndauya ndakamira saambuya vevana ava nekuti ndakaona kuti zvekutaura nemuromo haanzwi ndikati regai ndiite zvematare. Hazvingaite kuti ndimisidzane nemukuwasha mazuva ese ndichimubvunza mari yechikafu nechikoro.
“Mari anoiwana nekuti anoti anoita zvekutengesa-tengesa asi handizivi zvangu kuti anowana marii. Haangashaye mari yekuriritira vana vake, handiti ndizvo zvaari kuendera kubasa here izvozvo?”
Muparati akapikisana nemari yakataurwa naTafirenyika iyi achiti yakawandisa uye ane imwe mhuri inoda kuchengetwa.
“Ndinotengesa airtime, mari yese iyi ndingaiwana kupi yavataura nemamiriro akaita zvinhu aya? Mari yandingatokwanisa kubhadhara i$30 pamwedzi nekuti ndiyo inoita kuti ndisarewo nepekubata. Pari zvino ndine mukadzi nevamwe vana vaviri vanoda kuchengetwa.
“Vana handina kuramba kuchengeta asi kuti ndenge ndichishaiwa mari zvekuti pandinombowanawo mari ndinomboendesa kuti vawane chekubata asi kuti amai vanenge vava kufunga kuti ndava kuzviitisa kana kuti ndava kungoda kuchengeta vana vandinavo nemumwe mukadzi,” akadaro Muparati.
Mutongi Barbra Masinire akati Muparati abhadhare $60 yemendenenzi pamwedzi.




