Ari kuchemera mukadzi . . .‘ndinobvutirwa mudzimai nenjuzu’

MURUME wekuChitungwiza svondo rapera akabongomora kuchema apo airondedzera kuKwayedza nyaya yake yekuti aibvutidzana kana kuti kugovana mudzimai wake nenjuzu.

Murume uyu anoti kwemakore anodarika 12 ange achibvutidzana mudzimai wake, uyo aitombomusiya kwezvimazuva, nenjuzu.

Pane dzimwe nguva, murume uyu aizvambaradzwa kurohwa senyoka yapinda mumba nemukadzi uyu “kana achinge agarwa neshavi” izvo zvaiita kuti agumisire atiza pamba nekutya kukuvadzwa.

VaGolden Katonha (43) vepanhamba 18142 kuUnit M, vakasvimha misodzi kuchema apo vairondedzera kuvatori venhau mararamiro avo. Vanoti vakagara chipo chemujeri nekuda kwemweya waibata mudzimai wavo, Maudy Pofu (29), uyo wavari kuti aisevenzeswa neshavi kana kuti mweya wenjuzu.

Vari pakati pekutsanangudza nyaya yavo, VaKatonha vakangotanga kubongomora kuchema vakabata musoro, misodzi ichiyerera nematama uye vachikwiridzira madziwa, apo vaiti zvavakaitwa nemudzimai wavo zvihombe.

Mai Pofu vakatozosimuka pavainge vagere ndokunonyaradza murume wavo vachiita zvekumugumbatira.

“Mudzimai wangu aiva neshavi renjuzu kana kuti redona izvo zvaiita kuti mukugara kwedu tisawirirane. Taigara tichirwa, airamba kurara neni semurume wake.

“Aindirova akandibatira banga zvekuti ndaitoguma ndatiza pamba ndonogara zvangu kubhawa uko ndaivaraidzwa nevamwe ndozodzoka hasha dzake dzapera,” vanodaro VaKatona.

“Ndaingoti ndikada kumubata chete semudzimai wangu, aiita hasha achiramba kugumwa neni. Aibva atanga zvibhakera.

“Dzimwe nguva aikotsira zvekuti ukamuzunguza kwaiedza asina kumuka, achiita semunhu akafa asi muviri wake uchitonhora semunhu aiva aburitswa mufiriji. Pamusoro pezvo, mukadzi wangu aibuda dikita achitota semunhu ari mumvura,” vaidaro mudzimai wavo agere pedyo navo.

VaKatonha vanoti vaizobvunza mudzimai wavo paanomuka kuti anenge achinzwei, apo aipindura kuti anenge achirota aine njuzu kunyanza kana kumadziva makuru.

“Nekufamba kwenguva, zvakazobuda kuti ishavi renjuzu kana kuti redona, iro raisada kuti agare nemurume mumba. Aindisema mudzimai uyu — achimunongedzera — kubva tichiroorana apo taigara kuSelous mumugwagwa wekuenda kuChegutu.

“Hondo yacho payakatanga ndakatombopakira mbatya dzangu musaga ndikamuti ndave kuenda zvangu nesango.”

VaKatona, avo vanove nyanzvi yekunama simbi vachigadzira zvinhu zvakasiyana, vanoti vaiita mari zvikuru iyo vaipa kumudzimai wavo asi yaizongoshaika vasingazive kuti yatorwa nei.

Vakawedzera vachiti: “Mudzimai wangu akakurira muchechi yepositori iyo akazosiya ava kuenda kune imwe chechi yemuno muChitungwiza inoita zvechivanhu. Ikoko ndiko akazonzi asimbise shavi renjuzu iri ndokubva zvatonyanya.”

Ipapa ndipo murume uyu akabva aikwetsura mhere achichema vatori venhau varipo achiti dambudziko raakaona igukutu.

“Hatizive kuti mudzimai wangu akazviwanira kupi. Zvichida pamwe ndimo mukubatsirwa imomu. Akaenda kuimwe chechi uko vaiitiswa zvechivanhu zvakasiyana ndokutengeswa machira nezvimwe izvo zvaigara muno mumba mangu. Handakaimutsiura akanzwa nekuti nguva iyi aiti zvaimubatsira zvikuru,” vanodaro.

Vanoti mudzimai wavo vakamutora mushure mekunge arambana nemumwe murume wekuMozambique, uko vaigara, nekuda kwedambudziko renjuzu iri. “Taroorana, aigara achitiza achienda kwanasekuru vake kwaMurehwa, avowo vaimudzosa kwandiri sezvo vaishaya chikonzero chaainditizira.

“Iye inherera, ini ndiri nherera zvakare. Pamba patinogara ndepe vabereki vangu, saka iye ndiye hama yangu ini ndiniwo hama yake chete.” vaidaro VaKatona vachichema.

Vanoti vakatadza kupedzisa kuvaka imba yakasiiwa nevabereki vavo nekuda kwematambudziko aya.

“Mudzimai wangu ane kuchechi kwaave kuenda kuHighfield uko kwakanobuda mweya wenjuzu uyu ukataura pamwe nekubviswa. Iniwo kunyange ndichinwa zvangu doro, ndinoendako kunobatsirwa, saka hasha dzave shoma uyewo tave kugarisana semurume nemukadzi.”

Murume uyu anoti kunyange zvikadii, haambofa akasiyana nemudzimai uyu nekuti vakabva vose kure.

“Dai tairambana ndingadai ndakasiyana naye kare. Iye zvino hapasisina mukana wekurambana, zvakatopera.

“Tine vana vatatu, kusanganisira waakabva naye kune mumwe murume.”

Mai Pofu vakatsinhira matambudziko avaisangana nawo mumba mavo kuburikidza neshavi renjuzu.

“Ichokwadi ndaitambudzwa zvikuru neshavi renjuzu raiva pandiri, rakazonobviswa kuchechi (zita tinaro). Mweya wenjuzu uyu unonzi wakabuda ukataura nechiRungu ukabviswa,” vanodaro Mai Pofu.

Vanoti dambudziko renjuzu iri rakavaparadzira imba yavo yekutanga ndokuzowanikwa kechipiri apo rakaramba richienderera mberi.

“Murume wangu wekutanga ndaigara naye kuMozambique, ndaimurova zvakare ndichimunyima zvaaida kwandiri semudzimai wake. Pane wechipiri uyu, zvaingova zvimwe chete.

“Ndakazosangana nemuporofita weJohane Masowe wechirume akazondizivisa kuti ndaiva neshavi renjuzu,” vanodaro Mai Pofu.

Vanoti vairota vachitorwa nenjuzu, vopindwa navo mumvura umo vainodya zvinhu zvakasiyana zvakaita semupunga kunzvimbo yaiyevedza zvikuru.

“Ndairota ndiine njuzu ndichitotaurirwa nerurimi rwechiRungu ini ndichitaurawo nechingezi nenjuzu idzi. Tainy’ura mumvura dzichinditakura uye kune kamwe kanjuzu kadiki kechirume kaiita sekamwana kemurungu kaindishevedza kachiti kaida kunondizivisa kuvabereki vako kuti ndiite mudzimai wako, asi ini ndairamba.”

“Ndakazopihwa zano rekuenda kune mumwe chiremba wechirume ane chechi yechivanhu kurwizi rwaNyatsime, kuno kuChitungwiza, uko ndakanotanga kubatsirwa kusimbiswa shavi renjuzu iri. Ndakatengeswa machira emavara anoti green, satin, jena, blue, retso, dema, rehanga uye machira ose aya aiva nechuma zvawo. Ndakatengazve kapu, folk, banga nemupunga izvo zvose ndakaenda nazvo kumba kwasekuru ava zvikanogadzirwa kuti shavi renjuzu iri ritange kushanda zvakanaka ndirape,” vanodaro.

Vanoti vakazodzokera kakawanda kurwizi rwaNyatsime uko vainoitiswa mudungwe nasekuru ava apo vaidirwa mvura vachitaura mitupo yavo nekudeketa kumadzimbuya avo nekwavakaroorwa vachiputiswa bute.

“Ikoko ndakanzi shavi renjuzu iri raiva rachena ndikatora machira aya ndikanoaisa kumba pamusoro pewodhiropu. Ndakapihwa mhiko dzekuti dzakawanda.”

Mai Pofu vanoti vakapinda chechi yaiita zvechivanhu iyi kwemakore maviri ndokuzoona kuti dambudziko ravo kumba rakatowedzera.

“Ndakanga ndave kusema murume zvachose, kana kundiguma ndaisada. Ndaimurova zvakasimba asi handizive kuti simba ndairiwana kupi. Ndakarara ndainzwa mvura kushona serwizi rwakazara ndiri mumba ndotomuka ndichibvunza murume wangu,” vanodaro Mai Pofu.

“Machira ose andakapihwa kuchechi yechivanhu iyi akauya akatorwa nevakuru vekuchechi yandave kupinda pari zvino uko zvakanopiswa mweya wenjuzu ukataura.

“Ndave kugara zvakanaka murume wangu, ndinomuda uye handicharota ndichienda kumvura nenjuzu. Haticharwa sezvataiita zvekare ndinotarisira kuti mubasa rake mari iya yaimbosungwa nemweya uyu yave kusunungurwa.”

Mumwe musikana wemuHarare, Charity Makurumidze (29), akambobuda muKwayedza achiti akagara nenjuzu kwemakore akawanda asi pari zvino akasiya mabasa aya sezvo ave kunamata.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×