Muporofita obatana nevaimbi veZimdancehall kurwisa zvinodhaka

Abel Ndooka

MUMWE muporofita wemuHarare, akabatana nevaimbi veZimdancehall vane chitsama, ari kurwisa kutorwa kwezvinodhaka, izvo zviri kukanganisa vechidiki vakasiyana-siyana.

Prophet Kudakwashe Jose, veVictorius Family Church International, svondo rino vakaparura chirongwa chavo “Say No to Drugs, Say YES to Jesus”, icho chakanangana nekurwisa kutorwa kwezvinodhaka, uko kunokuvadza muviri nepfungwa.

Vachitaura muHarare pakuparurwa kwechirongwa ichi, apo paive nemapuromota emhanzi ane mukurumbira anosanganisira Partson “Chipaz” Chimbodza, Godfather Templeman naDJ Fantan, Prophet Jose vakati vakafunga zvekuvamba chirongwa ichi nedonzvo rekurwisa denda ranetsa rekutorwa kwezvinodhaka.

“Zvinodhaka zvaparadza vechidiki vakasiyana-siyana uye zvinorwadza kuona kuparara kuri kuita vana vakawanda nokuda kwezvinodhaka.

“Ndakatora danho rokuti ndibatane nevaimbi veZimdancehall nokuti vanoteverwa nevechidiki vakawanda kuti tigotaura nezwi rimwe chete kuti ngatisiye zvinodhaka; zvinodhaka hazvina zvazvinotipa.

“Tine zvimwe zvirongwa zvakawanda zvatiri kuita maringe nekurwisa zvinodhaka uye kusimudzira vechidiki,” vakadaro.

Zvakadaro, Prophet Jose vakati vari kuzadzikisa chivimbiso chavo chavakapa chokupa masitendi maviri kuDonnybrook kuvaimbi vanoti Mogo Vibes naLady D, avo vakahwinha pamutambo we2025 Harare Cup Clash.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *