. . . muroora achinhongerera tezvara, vamwene

Trymore Muvhawa

MURUME wekuDomboshava, wekuti iye nemukadzi wake vanogara vachitukwa nemuroora wavo, vakazopotera kudare redzimhosva.Wellington Muchenje akamhan’arira Lea Chirume kuHarare Civil Court.

“Mambo wangu, muroora uyu haachagare nemwana wangu asi musi waakasimuka pamba akasiya anditukirira ini pamwe nemudzimai wangu achiti tiri varoyi uye tiri varombo.

“Chikumbiro changu kudare ndechekuti muroora uyu asadzoke pamba pangu nekuti akatumira munhu akasvikogadzira waya yepamba kuitira kuti adzoke,” akadaro Muchenje.

Zvakadaro, Chirume akaudza dare kuti: “Mambo wangu, ndiri kushamisika nezviri kutaurwa nababa ava nekuti musi wandakabva pamba ndakasimuka nguva yapera ndisingadi kuonekwa nevanhu zvekuti ivo handina kana kutaura navo.

“Pamusoro pezvo, kudai vataura kuti amai vavari kutaura kuti ndakatuka ndevapi nekuti vane vakadzi vaviri. Kana vari amai vemurume wangu tinowiririrana zvekuti tikaonana tinokwazisana pasina mutauro,” akadaro Chirume.

Anoenderera mberi achiti: “Ndaigara ndichinetsana nanatete vangu ndaisaziva kuti baba ava ndivo vaivatuma kuti vaite izvozvo. Ini nemurume wangu tave kuwirirana uye mumwe musi akasvikondisiya pagedhi redare rino ivo zvavasingazive.

“Pamba handiregeri kupagadzirisa kana kudzoka nekuti ndepangu nemurume wangu. Tanga tave nemakore gumi nemasere tiri tose nemurume uyu, ivo ndivo vaitoita nzira mumunda mangu saka ndinovimba ndipo pane daka ravo,” akadaro Chirume.

‘‘Mutongi Yeukai Dzuda akapa Muchenje gwaro redziviriro asi ndokuti Chirume ane mvumo yekusvika pamba pake pasina anomudzivisa.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *