Zvikoro zviri kubatsirwa

MUMIRIRI weGutu Central mudare reNational Assembly uyezve ari Government Chief Whip, Cde Lovemore Matuke, vari kusimudzira dzidzo mudunhu ravo kuburikidza nekuvakisa zvikoro, kubatsira nherera nemari yefizi, kupa midziyo yekuvakisa makamuri ekudzidzira pamwe nemabhuku ekuverenga.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Cde Matuke vanoti vakapa zvikoro zvose zvemudunhu ravo mabhuku ekuverenga ayo akaiswa mumalibrary.

“Ndine chirongwa chandakaita chekupa mabhuku ekuverenga kuzvikoro zvose zviri mudunhu rangu nguva yapera nedonzvo rekusimudzira dzidzo.

“Ndiri kubatsira zvakare vana vane chitsama vanotambura nemari dzechikoro.

“Ndakapa zvakare marata ekuturikisa matenga pazvikoro zvinoti Mabhugu Primary zvichitevera kutorwa kwakaitwa denga reimwe kamuri yekudzidzira nemhepo neyepaChidembo iyo yaida kuvandudzwa.

“Pachikoro cheMbamba Primary, icho chiri munzvimbo yakagariswa vanhu patsva, ndakapawo marata 400 netani imwe chete yesimende,” vanodaro Cde Matuke.

Vanoti vakakwanisa zvakare kuvakisa chikoro chavo chakazvimirira chebhodhingi chinonzi Sandon Academy icho chine Form 1 kusvika Form 6.

“Donzvo rangu nderekuti mwana wose awane mukana wekudzidza akasununguka nekuti dzidzo ndiyo nhaka yeupenyu,” vanodaro.

Cde Matuke vanoti vari kushingaira kuti zvikoro zvemudunhu ravo zvive nemagetsi kuitira kuti vadzidzi vawane mikana yekubatsirika muzvidzidzo zvavo nekushandisa zvakaita semakombiyuta.

Zvimwe zvikoro zvakaiswa magetsi kuburikidza nerubatsiro rwaCde Matuke zvinosanganisira mapuraimari anoti Zimbizi, Chipangane neEbnezer.

Cde Matuke vanoti vakavambavo homwe inobatsira vabereki vanotambura mudunhu ravo vakaita sevanonetseka nekubhadhara mari yevana yechikoro iyo vanokwereta mari kuti vabatsirikane.

Related Posts

Gororo rine pfuti rabatwa rahwanda muchibage

Kingstone Mapupu GORORO rainge rarura nekubira vatyairi vedzimotokari rakapakata pfuti pamugwagwa rakazobatwa rakavhumbama pakati pemunda wechibage mushure mekunge rahwanda apo raive rabira mumwe mutyairi US$50 kuBulawayo. Mbavha iyi yakakwidzwa motokari…

Makore 10 mujeri sekuru vabata muzukuru chibharo

Moffat Mungazi MURUME ane makore 68 okuberekwa wekuChikanga, kwaMutare — Harry Peter Mangani — akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi mushure mekuwanikwa aine mhosva yekubata chibharo muzukuru wake ane makore 28…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×