Murume (38) ofemeswa moto  akanganwa pfuti mulodge

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuUnit O, kuChitungwa wekukatadza kuchengetedza pfuti yake zvakanaka zvichitevera kukanganwa kwaakaiita mune imwe lodge iyo akanga abhuka husiku hwose  akazvuzvurudzirwa kudare redzimhosva.

Simbarashe Ruwocha  (38) akabatwa nemhosva yekutadza kuchengetedza pfuti yake apo akamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts,  VaBatsirai Madzingira.

Ruwocha, uyo anozvishandira,  akapihwa mutongo wekubhadhara faindi yeUS$200 uye kukundikana kwake achagara mujeri kwemwedzi mishanu izere.

Ruwocha akasiya pfuti yake yemhando yeCZ V20 paMukanya Lodge, kwaMakoni kuChitungwiza nomusi wa31 Nyamavhuvhu gore rino.

Pfuti iyi, iyo ine serial number dzinoti 324097, yakange ine magazini nemabara mashanu.

Muchuchisi Shamiso Charmaine Mwapangira vakaudza dare kuti nyaya iyi yakazobuda musi wa1 Gunyana gore rino nenguva dza7am apo Ruwocha akabuda mulodge iyi achisiya pfuti yake iri pasi.

Mumwe mushandi wepalodge apa,  Yeukai Mudimu, uyo aive mushishi kuita basa rake semazuva ese achigadzira mukamuri umu, ndiye akaita mahwekwe nepfuti iyi. Akazivisa mapurisa avo vakabva vauya kuzoitora.

Ongororo yakaitwa nemapurisa yakaratidza kuti pfuti iyi yaive yaRuwocha izvo zvakaita kuti asungwe.

Pfuti iyi yakaburitswa mudare seumbowo.

Ruwocha akabvuma mhosva yake pasina kukakama.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *