Muchaneta Chimuka
MUNYAYA inoita sebhaisikopu, murume wemuHarare – McClean Samuriwo (38) – uyo anove muimbi zvakare uye kumusha anobva kwaChihota, anoti haachina zororo muupenyu hwake nekuda kwekutevererwa nemazizi uko ari kuitwa nguva nenguva nekudaro ari kutsvaga rubatsiro kune veruzhinji.
Anoti wese anokwanisa kubatsira, angava wechivanhu kana wekereke, akasununguka sezvo ari kudawo raramo ine runyararo.
“Ndakakurira kumusha kwanasekuru, baba vaamai, baba vangu handina kukwanisa kuvaona. Mumusha mandakakurira maiva neimwe imba yaiva dongo, mumba umu makazotanga kugara mazizi uye kana ndisingakanganise ndaiva mudanho redzidzo reGrade 2. Semwana mudiki, ndakatora vana (manyana) vemazizi aya akanga ava kugara muhari muimba iyi, ndokutora bhemba ndokutema misoro yawo ese ari matanhatu,’ anodaro Samuriwo.
Anoti mushure mechiitiko ichi, hapana munhu akataura naye nezvawo kana kumubvunza kuti ainge azviitirei.
“Nekufamba kwemazuva, mazizi aya ndakazoona otanga kunditevera husiku hwega-hwega, ndichitofamba ndaimanzwa kuchema chero munhu wandinenge ndichifamba naye aimanzwawo. Dambudziko iri rakaramba richikura kusvika ratova jambwa kwandiri uye nguva dzakawanda ndinorotawo ndichishinha nemadzimai akasiyana-siyana. Handina mudzimai, ndazama kuvaka musha asi zvichiramba sezvo ndinorasiswa. Ndakambozama kubatsirwa, hongu mazizi haachauya pese-pese asi anowanza kuuya nguva dzinoti 9, 12 na3 husiku,” anodaro.
Murume uyu, uyo anove muimbi zvakare anoti akatoimba kambo kari pamusoro pekushungurudzwa kwaari kuitwa nemazizi aya.
Samuriwo anoti, munguva pfupi yadarika, akamboshambadza dambudziko rake panhepfeyuro yeStar FM pachirongwa cheTilda Live akambowana vanhu vaimubatsira asi vazhinji vacho vaida mari yakawanda nezvipfuyo zvakadai semombe zvinova zvakaita kuti akundikane kuwana rubatsiro rwuzere.
“Mushure mekushambadzwa kwedambudziko rangu, ndakasangana nerusarura rwakakura apo vamwe vanhu vakatanga kugadzira zvi“maimoji” zvine mufananidzo wangu nemazizi vachindinyomba. Ndakawana hangu vashoma vakandibatsira asi dambudziko harisati rapera nekuti mazizi achiri kundishanyira. Dzimwe hama hadzichada kutaura neni nenhau yekushungurudzwa kwandiri kuitwa nemazizi vachiti ndiri kuzvitaurirei kuruzhinji, zvekuti vamwe ndakapotsa ndavabvunza kuti ko mazizi acho ndeenyu here?,” anodaro Samuriwo achiratidza kushungurudzika kukuru.
Anoti kana munhu achinge awirwa nedambudziko rakadzama hama dzinogona kumurasa kana kuti kumufuratira.
“Kutaura kuno ndiri kurwara, nyika iri kundiremera saka ndinochema kune veruzhinji kuti vandibatsirewo ndiyambuke ndirarame upenyu hwakasununguka. Kana dambudziko rakadai risati rambokuwira, unoona kunge dhirama asi nyika yakatakura kurema.
Vangada kundibatsira vanondibata panhamba dzinoti: 0712 795 988 kana 0785 482 288,” anodaro Samuriwo.



