Murume (53) adyiwa nebere achibva kubhawa

Muchaneta Chimuka

MURUME wekwaMutoko akarasikirwa nehupenyu mushure mekurumwa uye kudyiwa nebere achibva kubhawa uko akanga  ari  kunwa doro.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland East Province, Inspector Simon Chazovachiyi, vanoti tsekwende iyi yakaitika nomusi wa30  Nyamavhuvhu munguva dzemanheru apo Tendai Pasi (53)  aibva kuKatsukunya Township kwaMutoko kunonwa doro.

“Pazuva iri, zuva rorereka, ave mufi uyu akaonekwa naAnnah Matematema (33) pamwe nemurume wake Robert Robert Mvembe (41) vekuPisirai Village kwaMambo Mutoko akagara pasi achiratidzika kuva munhu akadhakwa zvikuru   vachibva vaudza mudzimai wake, Ashely Kachidza (48). Muzuva rakatevera mangwanani,  Ashely Kachidza nemwanakomana wake Christ Pasi (13)  vakaona kuti  Tendai Pasi akanga asina kudzoka  kumba vachibva vaita tevedzo,” vanodaro.

Panguva iyo vaviri ava vakanga vari mushishi kutsvaka baba ava, vakabva vasangana neimwe yeshangu yavo parutivi rwemugwagwa vachibva vaona muhwezva wekudhonzwa kwavakaitwa nebere uye ropa rakazara pamahuswa. Vakaramba vachironda vachibva vazoona mutumbi waTendai Pasi  uri pachinhambwe chemamita gumi kubva pamugwagwa apo akapedzisira kuonekwa akagara.

Vakazozivisa mapurisa  eZRP Mutoko  avo vakaendako nematikitiva eCriminal Investigations Department vanova vakasvikowana mutumbi wake wakadyiwa-dyiwa maoko uye dumbu rake rakabvarurwa.

“Matsimba ebere akaonekwa akakomberedza nharaunda yakaitikira mashura aya uye dzimwe nhengo dzemuviri dzemufi dzainge dzakadyiwa dzinosanganisira mapfudzi, ruoko rwekuruboshwe nepadumbu zvinova zvinopa mucherechedzo wekuti anogona kudaro akadyiwa nemhuka dzesango,” vanodaro.

Inspector Chazovachii vanoti mutumbi uyu wakazoendeswa kumochari yechipatara cheMutoko Hospital kunovhenekwa nemachiremba.

“Vashandi veZimbabwe Parks & Wildlife Management Authority vakaziviswa vakauya kuzoita tsvakurudzo dzavo dzakabudisa kuti ainge aurayiwa nemhuka dzesango nokudaro hapana imwe fungidziro iripo yatingati murume uyu anogona kunge akapondwa,” vanodaro.

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *