Murume aba mombe 2 ndokutengesera mukoma wake

Muchaneta Chimuka

MURUME wemubhuku raChituga kwaMambo Nyashanu kuBuhera wekuba mhou nemhuru yayo ndokuzotengesera mukoma wake akazvisikira moto muziso zvichitevera kupihwa kwaakaitwa chirango chekugara mujeri kwemakore mapfumbamwe azere.

Forgiveness Sikwavaile (31) akamiswa mudare reMurambinda Magistrates Court nemhosva yekuba mhou nemhuru zvaStancia Togara (67) wemubhuku raMajere munharaunda imwe chete iyi.

Akabatwa nemhosva yekuba mombe pasi pemutemo weContravening Section 114 of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23 Stock Theft.

Mumwe waakaba naye, Average Chikudza, haasati abatwa.

Mombe idzi dzakabiwa kuVillage 14B kuOdzi munaZvita 2024 mushure mekunge Stanley Sikwavaile azivisa vanhu vaive panhamo munharaunda iyi kuti aitsvaka mombe yekutenga.

Stanley, uyo anonzi haachakwanisa kufamba nzendo ndefu nekuda kwekuti akakuvara mbabvu uye anova mukoma wemusungwa, ndiye akarayira vanhu vaive panhamo kuti aida mombe yekutenga.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanoti nomusi wa28 Zvita gore rapera, Shiloh Togara – uyo anoshanda semufudzi wemombe waStancia – akapfigira mombe nomwe mudanga munguva dzemanheru.

“Muzuva rakatevera, akaenda kunovhurira mombe mangwanani ndipo paakaona imwe mombe yaive nerurava rwupfumbu nemhuru yayo zvisiri mudanga achibva azivisa mushandirwi wake,” vanodaro.

Togara nemushandirwi wake vakabatsirana kuronda matsimba emombe idzi asi vakazorasana nawo pavakasvika pazambuko reSave Bridge.

Nomusi wa29 mwedzi wekare, Forgiveness anonzi  akaenda kumba kwemukoma wake Stanley achibva amutengesera mombe mbiri idzi neUS$360.

“Nomusi wa13 Chikumi gore rino mamgwanani, pakafamba mashoko erunyerekupe maringe nemombe idzi kuti dzaive kudanga raStanley. Izvi zvakaita kuti mapurisa anoti Sergeant Matemavi naInspector Mukono vaende kumba kwaStanley. Stanley akaenda navo kudanga achibva anovaratidza mombe dzaakatenga dzinova dzainge dzakabiwa,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Stanley akadura kuti ainge akatenga mombe idzi kuna Forgiveness neUS$360 uye akabudisa zvekare magwaro echibvumirano chekutengeserana (agreement of sale).

Mombe dzainge dzabiwa idzi dzinokosha US$450 uye dzakawanikwa dzese.

“Tinoyambira vanhu kuti vashande pamwe nemapurisa ari padyo navo mukurwisa nyaya dzehumbavha hwemombe uye kuti vaumbe mapoka akadai seVillagers Anti-Stock Theft Committees apo vanobatsirana nemapurisa mukumema nharaunda dzavo,” vanodaro Asst InspChinyoka.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×