Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuGweru ari kukumbira kuruzhinji kune vari kushaya hama yavo yechisikana kuti vaende kunoona mutumbi wemunhu akafa achiita zvekutsikwa nemotokari pachinhambwe che18 kilometre peg mumugwagwa weGweru-Zvishavane nemusi wa10 Chikumi munguva dzemanheru
Inspector Emmanuel Mahoko vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands vanoti mutumbi wemusikana uyu wakachengetedzwa kumochari yechipatara cheGweru Hospital.
“Tine tsaona yakaitika nemusi wa10 Chikumi mumugwagwa weGweru-Zvishavane apo motokari yerudzi rweToyota Landcruiser yaienda kuZvishavane yakatsika musikana aiedza kudarika mugwagwa akabva angofira panzvimbo. Musikana uyu akange asina magwaro anoratidza kuti ndiyani nekudaro tiri kutotsvaga hama dzake,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti vanhu vari kushaya mwanasikana wavo vanokurudzirwa kuzivisa mapurisa eGweru Traffic voenda kunotaridzwa mutumbi uyu.
“Kune vanoda kuziva zvakawanda nekuda kwemutumbi wemwanasikana uyu, vanokurudzirwa kutaura naOfficer In-Charge ZRP Gweru Traffic Inspector Fuyana panhamba dzinoti 0542222169 kana kubata mapurisa anodyidzana neruzhinji kuMidlands panhamba dzinoti 0542221073 kana 0778 069 322,” vanodaro Insp Mahoko.



