Tendai Vambe
MURUME wekwaMutasa ane makore 46 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore 15 mushure mekuwanikwa aine mhosva yekubata chibharo tete vake vane makore 91 katatu usiku humwe chete pamba pavo mumusha weChitowa, uri pasi paMambo Mutasa.
Gabriel Chisi akabatwa nemhosva mushure mekumiswa pamberi pemutongi weMutasa Magistrates’ Court, Muzvare Annie Ndiraya.
Aiva muchuchisi ndiMuzvare Nomathemba Sayi.
Nyaya iyi yakamhan’arwa paZRP (Zimbabwe Republic Police) Mutasa, iine nhamba inoti CR 12/09/26.
Dare rakanzwa kuti manheru omusi wa8 Gunyana, mumhan’ari akanga akarara muimba yekubikira pamusha wemhuri iyi pamwe chete naGabriel, apo akabhinya chembere iyi.
Zvisinei nekuchema kwaaiita kakawanda achida kubatsirwa, nyakupomerwa mhosva akaenderera mberi nekubata mukadzi uyu chibharo.
Sokutaura kwamuchuchisi, mumhan’ari akabvunza Gabriel panguva yaaimubata chibharo kuti sei akanga achimushungurudza zvakadaro asi akaramba anyerere.
Muhumboo hwaakapa mudare, aine kusuruwara kukuru, mudzimai uyu wemakore 91 okuberekwa akasvimha misodzi apo Gabriel akaramba mhosva yaaipomerwa.
“Akandibata chibharo katatu apo vamwe vanhu vose vainge vakarara,” vakadaro.
Mukoma wanyakupomerwa mhosva, Kasiwami Chisi, akaudza dare kuti mumhan’ari akamuzivisa nezvenyaya iyi mangwanani akatevera.
“Mumhan’ari akandiudza kuti Gabriel akange amubata chibharo. Ndakabvunza mukoma wangu asi akaramba mhosva,” akadaro Kasiwami.
Zvichitevera kubuda pachena kwenyaya, mhuri iyi yakanomhan’ara kwasabhuku, avo vanonzi vakazoti paitwe hurongwa hwechenura nokuda kwehuremu hwemhosva iyi.
Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa nomusi wa11 Gunyana, mumhan’ari ndokuendeswa kuchipatara cheBonda Mission kuti aongororwe navanachiremba.
Mukuzvidavirira, Gabriel akaramba kuti akanga abata mumhan’ari chibharo, ndokusimbirira nerokuti akanga arara nevana vake murunyararo.
“Zuva iroro ndakakurumidza kusvika kumba, ndokumhoresana nemumhan’ari. Pave paye, takazonorara. Ndakarara nevana vangu, mumwe ari kupuraimari nemumwe ari muFomu Yokutanga,” akadaro.
Zvisinei, Muzvare Ndiraya vakaramba tsananguro iyi, vakati muchuchisi akanga aratidza zvisina mubvunzo kuti murume uyu aiva nemhosva.
Mukupa mutongo, Muzvare Ndiraya vakashora nyakupomerwa mhosva, vachiti akarasa chivimbo chemukadzi aimuona semwana wake.
“Aikuona semwanakomana nokuti uri mwana wehanzvadzi yake. Pane kuti umudzivirire, wakatora mukana wekuva panjodzi kwake, ukamushungurudza.
“Paakachema, waifanira kunge wakamuchengetedza, kwete kumushungurudza,” vakadaro Muzvare Ndiraya.
Mutongi akati udzamu hwemhosva iyi, pamwe chete nekushungurudzwa kwakanyanya kwakaitika paukama uye kuva panjodzi kwanyakuitirwa zvakaipa, zvaikodzera kuti Gabriel apihwe chirango chekugara mujeri.
Richicherechedza kuti Gabriel akanga apara mhosva kekutanga, ari munhu ane vana vashanu uye akafirwa nemudzimai, dare rakaona kuti zvose izvi zvaikundwa pauremu nemhosva yaakapara nemakore emumhan’ari, uyo aisakwanisa kuzvidzivirira zvizere.
Muzvare Ndiraya vakazopedzisira vatemera Gabriel chirango chekugara mujeri kwemakore gumi nemashanu.