Murume anga achitsvagwa awanikwa akafa

Kingstone Mapupu

MURUME anga achitsvagwa nehama dzake uyewo nemapurisa kudhorobha reMasvingo — Enock Chuduwa Guyo (20) — akazowanikwa akafa mutumbi wake uri mumba isingagare vanhu uye isina kupera kuvakwa.

Svondo rakapera, Kwayedza yakaburitsa nyaya yemurume uyu achinzi akagumisira kuonekwa nemusi wa8 Ndira gore rino.

Akapedzisira kuonekwa achibva pamba pake panhamba 15407 mumugwagwa waMazorodze Street mumusha weRunyararo West, kuMasvingo.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Assistant Inspector Masauso Patinyu, vanoti mutumbi waGuyo wakazowanikwa uri muimba isingagare vanhu uye pane fungidziro huru yekuti akafa achiita zvekupondwa.

“Munyaya yatakambokusha mumapepanhau nemumadandemutande akasiyana kudunhu redu reMasvingo tichizivisa nezvemurume aitsvagiwa, Enock Chiduwa Guyo, mapurisa vakaita basa ravo guru rekutsvaga murume uyu mutumbi wake ndokuzowanikwa nemusi wa25 Ndira nenguva

dza1700 hours uri mukati memba isina kupera kuvakwa kunzvimbo yeZexcom Area kuMasvingo,” vanodaro Asst Insp Patinyu.

Vanoti mapurisa pari zvino vari mushishi yekufeya nyaya iyi vachitsvagiridza firo yemurume uyu.

“Mutumbi uyu wakazotorwa kubva muimba iyi ndokuendeswa kumochari yechipatara cheMasvingo Provincial Hospital uko wakachengetedzwa wakamirira kuongororwa nanachiremba,” vanodaro Asst Insp Patinyu.

Nyaya dzinoenderana:

Murume (20) otsvagwa mushure mekushaikwa angobva pamba

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×