President vavimbisa maWarriors bhonasi reUS$300k

Abel Ndooka

MUTUNGAMIRIRI wenyika – President Mnangagwa – vavimbisa kupa chikwata chemaWarriors bhonasi reUS$150 000 pamutambo wega-wega wavachahwina pavachatamba neBenin uye neNigeria vachirwira kuenda kuFIFA 2026 World Cup.

MaWarriors achasangana neBenin nhasi (musi weChina) uye ozosangana neNigeria svondo rinotevera mumitambo yekurwira kuenda kuWorld Cup.

Izvi zvinoreva kuti kana maWarriors akahwina mitambo miviri iyi yese, anobva apihwa mari inosvika US$300 000 iyo ichagoverwa pakati pevatambi vechikwata ichi pamwechete nevarairidzi vacho.

Chinyorwa chakabva kuZimbabwe Football Association (ZIFA), chinoti: “Mukucherechedza uye senzira yekukurudzira, mutungamiriri wenyika President Emmerson D. Mnangagwa vavimbisa kupa bhonasi reUS$150 000 kuvatambi nevarairidzi nevamwe vanoshanda kuchikwata chenyika pamutambo wega-wega wavachahwina pamitambo iri kuuya inoti weBenin musi wa20 Kurume uye neNigeria musi wa25 Kurume. Izvi zvinoreva kuti pamusoro peUS$1 miriyoni iyo yakaiswa parutivi neHurumende yekutsigira mutambo weCAF Africa Cup of Nations Finals, maWarriors ane mukana wekuwana imwe US$300 000 kana akahwina mitambo miviri iyi.

“Rutsigiro urwu runorakidza kuzvipira kweHurumende mukuona kukura nekubudirira kwenhabvu yemuZimbabwe uye zvishuwo zvemaWarriors apo ari kurwira kuenda kuWorld Cup.

“Nyika iri kukurudzirwa kuti itsigire chikwata ichi, apo chichatakura tariro yedu kuenda munhandare.”

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×