Murume opomerwa kuuraya kasvava

Kingstone Mapupu

MURUME wekuGokwe ane makore 30 okuberekwa akamiswa mudare achipomerwa mhosva yekuuraya kasvava kane mwedzi mina yokuberekwa ako kanove mwana wemudzimai wake.

Last Maphosa (30) wekudzimba cheCheziya Red Roofs Stands kuGokwe aigara naPrincess Muchenje (18) semudzimai wake uyo aiva nemwanasikana ane mwedzi mina yekuberekwa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nemusi uyu,  Muchenje airwara apo akaenda kunorara achisiya mwana uyu ari mumaoko emurume wake.

“Maphosa akasara aine mwana uyu ndokuzowana mukana wekumutakura kuenda naye kunzvimbo yemabhizimisi yeKambasha kuGokwe Centre uko aida kunotenga fodya. Mushure mechinguva, murume uyu akazodzoka kumba asina mwana. Paakabvunzwa nemudzimai wake kuti mwana aiva kupi, akapindura kuti aiva amusiya akachengetwa nehanzvadzi yake kunzvimbo yemabhizimisi yeKambasha izvo mudzimai uyu asina kugutsikana nazvo,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti Muchenje akaramba achibvunzurudza murume wake kuti mwana aiva amuisa kupi.

Izvi zvakazoita kuti Maphosa atore bhegi rake resatchel netawuru remwana negas tank ndokudzokera kunzvimbo yemabhizimisi yeKambasha.

“Murume uyu akazodzoka kumba aine mwana uyu akamuputira negumbeze achibva ataurira mudzimai wake kuti aiva akakotsira, achiti aiva amupa mahewu akawandisa azvimbirwa, ipapo akabva amurarisa pamubhedha, Princess Muchenje akazoongorora mwana wake ava kuda kumuyamwisa akaona kuti aiva akatofa kare,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakabva yazomhan’arwa kumapurisa eZRP Gokwe.

Maphosa akasungwa ndokuzoendeswa kudare reGokwe Magistrates Court nemusi wa14 Chivabvu.

“Dare reGokwe Magistrates Court rakazodarikidza nyaya iyi mberi, Maphosa akavharirwa uye achadzoka mudare iri nemusi wa28 Chivabvu. Nyaya iyi iri kufambira mberi nekufeewa kuchitsvagiwa chaizvo zvakaitika kumwana uyu,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti kune vane mashoko avanoda kuzivisa mapurisa pamusoro pekuparwa kwemhosva dzakasiyana kana zvimwewo, vanokwanisa kuridza nhare panhamba dzinoti 0542221073 kana 0778 069 322.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×