maticha anotsvodana vana vechikoro varipo . . . Vanombogarana pamakumbo pwere dzakayeva

MUDARE raMambo Chihota mune nyaya yevarairidza vaviri vepaFuramera Primary School — murume nemukadzi — avo vari kunzi vanodanana zvekusvika pakutsvodana nekugarana pamakumbo vana vechikoro vachiona.

Nyaya iyi yakakwidzwa kudare iri nemukuru wechikoro ichi, uyo anonzi anoti vabereki vepachikoro vari kutsutsumwa nehunhu hwevaviri ava.

Vabereki vanonzi vari kugunun’una vachiti vanotyira kuti zviri kuitwa nevarairidzi ava zvinoguma zvotevedzerwa nevana vechikoro.

Misheck Mapuka naErika Mukucha vanonzi vari kudanana zvisina hunhu vachitsvodana nekugarana pamakumbo pamberi pevana vechikoro.

Mambo Chihota, VaRaphael Chigodora (41), vakati nyaya iyi yakasvitswa kudare ravo nemukuru wechikoro ichi, VaMuranganwa Mudzamiri, mushure mekunge vabereki vatsutsumwa nemaitiro evadzidzisi ava.

“Mukuru wechikoro ichi naMapuka vakauya mudare rino ndikavati vanyore tsamba yezvizere zviri kuitika kuti ini ndizonyora yangu yandinoendesa kuvakuru vezvedzidzo muno muMashonaland East ndichikumbira kuti vaviri ava vabviswe zvavo,” vanodaro Mambo Chihota.

Dare raMambo Chihota rinoti rakatonyora tsamba yakaenda kuvakuru vezvedzidzo kuMarondera nemusi wa1 Nyamavhuvhu, iyo yaikumbira kuti vadzidzisi vaviri ava vabviswe paFuramera.

Jinda guru redare raMambo Chihota, VaEdisson Chigodora (44), vanoti vabereki vari kushora zvikuru zviri kuitwa naMakucha naMapuka.

“Nyaya iyi yakaunzwa mudare nemukuru wechikoro cheFuramera, VaMuranganwa Mudzamiri, vachiti vabereki havasi kufara nezviri kuitwa nematicha maviri ayo ari kudanana zvisina hunhu pachikoro,” vanodaro VaChigodora.

Vaviri ava vanonzi vanodanana pajekerere.

“Mukuru wechikoro ichi akataurwa naye nevabereki akazouya pano padare kuzopira nyaya iyi achiti vaviri ava vari kuita tsika inoshoreka zvikuru sekugadzikana pamakumbo vachitsvodana, kudyisana, kubatana mawoko, kumbundirana nekuita zvimwe zverudo vana vachiona,” vanodaro VaChigodora.

Mukucha anonzi anoitisa zvidzidzo zvemakombiyuta uyuwo Mapuka achidzidzisa maGrade 6.

Imwewo nyaya yakataurwa nezvayo kudare ramambo ava nemukuru wechikoro ndeinoti Mapuka ane chikwata chebhendi chinodaidzwa kuti Tombofara Musica, icho anombofamba nacho.

Mambo Chihota vanoti vachamirira zvichabva kuvakuru vezvedzidzo mudunhu ravo.

Mukuru wezvedzidzo kudunhu reMashonaland East (Provincial Education Director), VaChristopher Chihota, vanoti nyaya yevadzidzisi vanonzi vari kudanana zvinonyadzisa pamberi pevana vechikoro haisati yasvika kumahofisi avo.

“Ini ndanga ndiri pazororo, ndakatotanga basa nezuro chaiye (musi weMuvhuro svondo rino). Kunyange vanga varipo havana kumbonditaurira nyaya yakadaro.

“Hamheno, dzimwe nguva yakagumira kudistrict, kana kuti yakangoitwa ikoko namambo nevadzidzisi. Asi ivo mambo vangadaika vakachitaura nesu takaona zvekuita,” vakadaro VaChihota.

Vakavimbisa kuti vachaona zvekuita nenyaya iyi kuburikidza nekutsvaga zvakaitika pamwe nekutora matanho akakodzera.

Mapuka anonzi ane mudzimai nevana vatatu.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×