Murume pfacha mukadzi achisasana nechikomba

Kudakwashe Chinokuya
MURUME wekuendeswa kudare nemudzimai wake achiti ari kumushungurudza akati mukadzi uyu haachamuda nekuti akamubata nechikomba.

Izvi zvakabuda kuHarare Civil Court mushure mekunge Rumbidzai Jonasi amhan’arira Christopher Macheke. “Changamire, murume uyu akandisiya kumusha kwandinogara mugore ra2012 achiuya kuno (kuHarare) kuzogara nemumwe mukadzi. Haana kumbobvira adzokazve kuzoona kuti mhuri iri kurarama sei.

“Ndikazama kuvaudza kuti mwana ari kurwara asi hapana kana rubatsiro rwavakapa. Ndikada kuvafonera vanodzima foni kana kundiudza kuti havachada kundiona pamusha pavo,” akadaro Jonasi.

“Ini handidi kubva pamusha apa nekuti vana vangu ndikavasiya vanozosara vachichengetwa nani? Vanoti havachandida nekuti vanoterera vanhu vari kuti ndiri kuita zvechipfambi kumusha zvinova zvekunyepa.

“Izvozvi ndava kugara ndichitya nekuti vakati ndikaramba ndichigara pamusha pavo vanoda kundiuraya. Ndakamboedza kuti tigadzirisane nevehukama kuti tizeye nyaya iyi asi ivo vakaramba vachiti handina nguva yekutaura nepfambi.”

Macheke haana kumbopokana nemashoko aitaurwa naJonasi.

“Ndakaroora mukadzi uyu ndikagara naye kwemakore akawanda uye tine vana tose. Dambudziko riripo nderekuti mukadzi uyu ndakamubata aine chikomba mumba mangu.

“Zvekuti handitaure naye ichokwadi nekuda kwechipfambi chake ichocho. Ini pachokwadi handichamuda asi handisati ndaenda kumusha kwake kunovazivisa kana iye kumupa gupuro,” akadaro.

Mutongi Barbra Mateko akapa Jonasi gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vanofanira kurambana zviri pamutemo sekuroorana kwavakaita.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×