‘Murume uyu anondibira mapoto’

MUKADZI wekuchaya mapoto nemumwe murume akazomhanyira kudare achiti anzwa nekubirwa midziyo yemumba nemurume uyu achiitengesa kuti awane mari yedoro.
Netsai Chabika akazomhan’arira Edison Madindi kuHarare Civil Court achiti: “Ishe wangu, murume uyu pose paanongofungira kuti ava kuda kumboenda kubhawa anotaimira ndisipo oba ndiro kana mapoto onotengesa kuti awane mari yedoro. Dai dare randipawo gwaro rerunyararo zvaindibatsira nekuti abva kudoro remari yekutengesa zvekuba izvozvo anobva atanga kundirova achindituka nezvinonyadzisira.”

Chabika akati Madindi akauya kuzogara naye mumba make uye vakange vasati varoorana.

“Ndiye akauya mumba mangu ndikatanga kumuchengeta semudiwa wangu. Mazuva ekutanga aiva netsika kwadzo, rudo tichipana pasina zvainetsa. Akazoti adzika midzi ndipo paakatanga kuba zvinhu zvangu achinotengesa kuti awane mari yedoro.

“Kundirova anongoregera chete kana asina kudhakwa, pese paanodhakwa inenge iri batai-batai kumba ikoko. Apa anondityisidzira kuti ndichafuma ndakaoma mumba mangu matiri kugara tese. Ndaiva ndatombofunga zvekumudzinga pamba pangu akazokumbira ruregerero,” akadaro Chabika.

Madindi akaramba mhosva achiti:
“Vakuru vedare, hapana pandingatsindira mwena unobuda neshwa. Mukadzi uyu ari kundichengeta fani. Handina kumbomuvimbisa rufu asi kuti ndakangomuvimbisa kumurova ndaguta nemasese zvangu.

“Kana afunga zvake zvekundidzinga pamba pake handirambi nekuti ndizvo zvaanenge ada sezvo musha uri wake. Zvekuba handina kumboba asi kuti iye anongoshamisika kuti mari yedoro ndinoiwanepi obva afunga kuti chero akashaiwa chipunu chaicho ndini ndinenge ndaba.”

Mutongi Garikai Siwardi akapa Chabika gwaro rerunyararo.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×