MUDZIMAI wechidiki wepapurazi reTandalone, kuBeatrice, anonzi akarwisana negarwe murwizi Nyatsime iro raiva rabata mwana wake kwechinguva chingaite maminetsi mashanu dakara akazokundwa simba mwana achibva aendwa naye.
Tsaona iyi yakaitikira munaNyatsime, kuChitungwiza, nemusi weChishanu 23 Gumiguru svondo rapera apo mukadzi uyu anonzi ainamata akapfugama murwizi sezvaakange audzwa nemumwe muporofita.
Mai Mavis Chitsatse (34) vanonzi vakaita chivindi ndokurwisana negarwe apo raiva rabata mwana wavo, Ruvarashe Mutingwina (4).
Njodzi iyi inonzi yakaitika mumaziso emumwe mwanasikana waMai Chitsatse anonzi Elizabeth Gunduza (14).
Mudzimai uyu anonamata chechi yeJohane Masowe yeChishanu, uko anonzi muporofita zvakare. Anonzizve aiva apihwa munamato wedombo iro ainzi aifanirwa kuzonokanda murwizi umu onamata izvo akaita pakazoitika tsaona iyi.

Elizabeth anotsinhira nyaya yekurwisana kwaamai vake negarwe vachida kununura mwana wavo.
“Takabva kumba naamai nevanin’ina vangu Ruvarashe naTapiwa uyo aiva akaberekwa naamai. Taienda kuJambanja, kuChitungwiza, kunotengesa, ini ndaiva kumberi apo takasvika parwizi rwaNyatsime ini ndokuyambuka.
“Amai nevana vakasara kumashure, pamwe vainamata hamheno, nekuti vakazotanga kuchema vachiti, ‘Ruvarashe aenda!’ ini ndatova kumhiri,” anodaro Elizabeth.
“Ndakadzoka ndichimhanya ndikasvikoona garwe rakaruma Ruvarashe nekumusoro, amai vachidhonza hembe yemwana vachiedza kumununura. Ipapo mwana mudiki aiva kumusana aiva adonhera mumvura ini ndokusvikomunhonga achichema. Amai vaichema vachishevedzera, iye Ruva aichemawo akarumwa negarwe iri.
“Amai vakakurirwa simba dakara vadhonzerwa mumvura kusvika muchiuno apo chidimbu chehembe yemwana chakazodambuka vakasara vakachibata garwe richibva raenda nemunin’ina wangu ndakatarisa.”
Musikana uyu akatsanangura nyaya inosuwisa iyi achida kuchema apo akanowanikwa neKwayedza ari panhamo yemunini’ina wake kupurazi reHarvey, mumugwagwa unobva muHarare uchienda kwaChihota.
“Pakabvutwa Ruvarashe mumawoko maamai, garwe iri rakabva rany’ura naye. Vanhu vanogara padyo vakazouya vachiwana tave kuchema, mwana aenda,” anodaro.
Kwayedza yakaitawo hurukuro nevemhuri yekwaPhineas Mutsengi vanogara padyo nezambuko rinobva kwaMadhovi, kwaSeke, kuenda kumapurazi kwaigara mwana wekutorwa negarwe uyu.
Mai Sencia Mutsengi (37) vanoti pavakasvika vakawana Mai Chitsatse nevana vavo vachichema.
“Amai ava nevana vavo vaienda kuChitungwiza kunotengesa huni idzo takaona. Vakayambuka rwizi ndokunosiya huni kumhiri vachibva vadzoka kuzopfugama mumvura kuti vanamate zvavanonzi vakanga vanzi vaite nemumwe muporofita.
“Musikana mukuru anonzi akaramba apo vakapinda mumvura nevana vaviri, wemakore mana, uyo vanonzi vakapfugama naye mumvura, uyu mudiki ari kumusana. Vanoti vakatanga kunamata apo garwe rakasvikobata mwana wemakore mana ivo amai vacho ndokutanga kurwisana naro vakakurirwa,” vanodaro Mai Mutsengi.
“Nzvimbo iyi inouiwa nemapositori vachinamatira ipapa. Hatizive kuti vakanzwe chii ipapa. Takazotevedza kwakanga kwaenda negarwe iri asi hapana chatakawana,” vanodaro.
Sofia Dziripi (18) anoti akazosvikawo achibva kwaaishanda anzwa mhere ndokuwana mhuri iyi ichichema, mwana atoenda negarwe.
“Ndaiva kuhuni pandakanzwa kuchema ndokumhanya. Ndakasvikoona amai ava nevana vavo vaviri vachichema, bhutsu dzemwana akatorwa negarwe dziri kunze kwemvura pazvimatombo,” anodaro.
Mai Cathrine Chibvongodze (36) vanotiwo iyi inyaya inosuwisa zvikuru.
“Amai ava kana chiri chokwadi kuti vakapihwa mhiko nemuporofita kuti vanonamatira mumvura, ndivo vakakonzeresa rufu rwemwana pamwe chete nemuporofita wavo.”
Musi wazobatwa mwana uyu negarwe, zvinonzi kune muvhimi aiva nembwa dzake akabatirwawo imwe yadzo nemakarwe munzvimbo iyi.
Mutumbi wemwana uyu wakazowanikwa rechimangwana racho nemapurisa ekuChitungwiza chinhambwe chingangoita mamita 500 kubva paakabatirwa negarwe. Mutumbi uyu unonzi waive usisina mawoko ose negumbo rekuruboshwe.
Mutumbi uyu unonzi zvakare waive wakabuda hura kunze, sekutaura kwevamwe vakauona.
Murwizi urwu munonziwo makatorwa vamwe vanhu vaviri nemakarwe gore rapera.
Pane fungidziro huru mudunhu iri yekuti makarwe aya anogona kunge akavhurirwa kubva kune rimwe dhamu riri kuBeatrice.
VaTrust Mutefe (45) avo vane pamba paichemerwa mwana uyu, uye vachishandirwa naMai Chitsatse nemurume wavo, VaMember Nyamidzi, vanoti nyaya iyi yakavapedza simba.
Mai Beauty Simeti (46), vanova sachigaro kupurazi reHarvey, naVaGift Gava (48) avo vanonamata naMai Chitsatse, vanoti vakangonzwawo kuti mwana uyu akatorwa negarwe apo amai vake vainamata.
Pakasvika vatori venhau parufu rwemwana uyu, Mai Chitsatse havana kuonekwa sezvo vainzi vainge vaenda kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital, kuti vanotora chitunha.
Panhamo iyi pakanga pasina kana chekudya uyewo bhokisi rekuvigisa mufi raitoshaikwa.
Mai Simeti vakakumbira rubatsiro kune vanoda kuyamure mhuri iyi nekuridza nhare panhamba dzinoti 0772 579 024.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanoti vanoda nguva yekuferefeta mafambiro enyaya iyi.




