Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuZvishavane, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvekusungwa kwemurume wemakore 25 wekwaMambo Masunda nokuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda hama yake yechidzimai.
Licious Sibanda Tagwirei (25), wemumusha waSabhuku Makuwerere, kwaMambo Masunda, kuZvishavane, anonzi akatanga kunetsana nemudzimai wake vari mumugwagwa kubva muguta reZvishavane vachienda kumba nomusi wa12 Gumiguru gore rino ra2026, nenguva dza1 mangwanani.
Zvinonzi mubongozozo iri, kune mukadzi akaedza kurandutsira vaviri ava, asi akazoguma ave kurohwawo nemurume mumwe chete uyu.
Nyaya iyi inonzi yakazokonzeresa kupondwa kwaMargaret Tagwirei (67), uyo aibva mumusha mumwe chete uyu waSabhuku Makuwerere.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Licious Sibanda Tagwirei akatanga kunetsana nemudzimai wake nokuda kwenyaya isina kuzivikanwa apo vaibva kuZvishavane vachishandisa mugwagwa Mabasa.
“Licious Sibanda Tagwirei, pakurwisana nemudzimai wake vari mumugwagwa, paiva naAdah Alice Dube (74), uyo akapindira, achiedza kurandutsira kuti murume uyu asarove mudzimai wake. Licious akabva atanga kurwisa Dube, ndokumutungamidza pamberi kuenda kumba kwaMargaret Tagwirei,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti vasvika pamba apa, murume uyu akarova nesimba gonhi repamba paMargaret Tagwirei neshangu, ndokupinda muimba yake yekurara, achibva adhonzera mudzimai uyu panze.
Vanoenderera mberi vachiti Licious akatora mupinyi webadza, ndokuushandisa kurova Margaret Tagwirei muviri wose kusvikira afenda.
“Murume uyu paakaona kuti akanga akuvadza munhu, akabva atiza akananga kumba kwake. Pakarepo, nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa, ayo akabva amhanyira kunzvimbo iyi kunofeya, ndokuwana mutumbi waMargaret Tagwirei uri pachivanze,” vanodaro Insp Mahoko.
Mapurisa akazoronda murume uyu kumba kwake, kwaakanga ahwanda, ndokumusunga.
“Licious Sibanda Tagwirei akachengetedzwa, akamirira kuenda kumatare edzimhosva nokuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda. Tinokurudzira voruzhinji kusiyana nenyaya yekurwisana nekutora mutemo vachiuisa muhomwe dzavo kana vachinge vatadza kuwirirana asi kuti vatsvage vayananisi nguva dzose panzvimbo dzavanenge vari, zvikuru mapurisa,” vanodaro Insp Mahoko.