Murwere odzingwa pamba

Kingstone Mapupu
DAMBUDZIKO remudzimai wekuDzivaresekwa 3, muHarare, uyo akambobuda muKwayedza gore rapera achiyaura nechirwere chegomarara remuchibereko iro rakonzera kuti adziuke maronda achibuda honye kusikarudzi yake rawedzera. Mercy Karumbwana (32), wepanhamba 340/A munaGora, anoti ave kuda kudzingwa pamba paanogara nekuda kwekutadza kubhadhara mari yerendi. Anoti zvakare haana mari yekuzvirapisa pamwe nekuendesa vana vake vatatu kuchikoro.

“Pandakatanga kurwara mugore ra2002, murume wangu, Reason Murwira, akabva anditiza nemhuri ndokusara tichidzingwa pamba patairoja kuDzivaresekwa 2.

‘‘Takazoguma tave kugara mumigwagwa ndokuzotorwawo nevamwe vakatinzwira tsitsi kuno kuDzivaresekwa 3,” anodaro Karumbwana.
Mukadzi uyu anobva kwaChigango, kuMt Darwin, murume wake achibva kwaChihota.

Anoti haana kwekuenda sezvo kumusha kwake kusisina vehukama, ukuwo havana kunge vakavaka kwemurume wacho.
“Vabereki vangu vakafa, uye vamwene navatezvara vakafawo. Kudivi rekumurume wangu hakuna hama chaidzo dzichiriko.

“Handichagona kufamba nekuda kweronda randinaro uye handisi kurapwa nekuda kwekushaya mari. Ndave kutoshandisa mishonga yechivanhu. Handina anondibatsira mukurarama kwangu kunze kwevatorwa vanondipawo zvekudya, mbatya, magumbeze nemari shoma. Mwana wangu mukomana mukuru aifanirwa kutanga Form 1 gore rino asi akatotadza kuenda kuchikoro. Vamwe vadiki vose havaendewo kuchikoro,” anodaro Karumbwana.

Musi washanyirwa mhuri iyi neKwayedza svondo rapera vakatowanikwa vatiza pamba sezvo muridzi wemba yavanoroja, uyo asingagarepo, akanga auya achida kuvaburitsa mumba nenyaya yekusabhadhara rendi.

“Muridzi wemba auya achida mari yake yerendi, izvozvi aenda kunhamo makare muno. Vati vanoda kutiwana tabuda.”
Pakasvika vatori venhau, vakawanikwa vakahwanda kumba kwaMbuya Janet Banda panhamba 464B avo vakati ndivo vanombogeza ronda remudzimai uyu.

“Amai ava vanotambura zvikuru, vakauya pano ndinovapa kudya nezvimwe. Izvozvi vatizira pano kuri kutya kuburitswa nevaridzi vemba. Ndini ndinovagezesa maronda pasina magirovhosi. Izvozvi ndapedza kuvageza ronda racho rinotyisa,” vakadaro.

Mumiriri weDzivaresekwa mudare reNational Assembly, Cde Omega Hungwe, vanoti havasati vanzwa nezvadambudziko remudzimai uyu nevana vake.

“Nyaya yemudzimai uyu itsva kwandiri nekuti ndingadai ndakamubatsira kare. Itai kuti vataure neni tigoona zvekuita,” vakadaro.
Kune vanoda kubatsira mudzimai uyu vanokwanisa kuridza nhare panhamba dzinoti 0775 080 088.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×