Nhabvu yevechidiki yosimudzirwa

Abel Ndooka
SANGANO reHarare Junior Football League rinoti riri kushanda zvakasimba mukubika vatambi vechidiki vemutambo uyu rakabatana neshasha dzakaita mukurumbira munhabvu pamwe nevarairidzi. Masvondo adarika, sangano iri rakaronga mutambo weboka reUnder 17 uyo waive nezvikwata 19.

Chikwata Total Acedemy Football Club ndicho chakahwina mushure mekunge chakunda DZ Academy 3-2 kumapena apo mutambo uyu wakange wapera ari mangange.

Pamutambo uyu paive nevarairidzi vane mukurumbira vakaita saArthur Tutani, Stanley Chirambadare, George Charambarara naGilbert Mushangazhike uyo akambonetsa munhabvu.

Fixtures Secretary weHarare Junior Football League Edwin Manyeruke anoti sangano ravo rakazviona zvakakosha kuti ribatane neshasha idzi kuti dzipote dzichiongorora vatambi ava nedonzvo rekuti vasimukire mumutambo uyu. Harare Junior Football League ine mapoka maviri eGroup A neB ayo ose ane zvikwata 13 zvinokwikwidzamo.

“Isu basa ratiri kubata kubika vatambi vechidiki kuti vagove neramangwana rakanaka munhabvu.
“Tinoshanda nevatambi gore rose uye tozoronga mitambo iyo zvikwata zvakasiyana zvinodamburana apa ndipo patinoshevedza varairidzi vakasiyana kuti vauye kuzoongorora mitambo iyi.

“Zvinobatsira kuti vauye nekuti vanopa mazano kuvatambi vari kusimukira pavanofanirwa kugadzirisa kuti ramangwana ravo rigojeka,” akadaro Manyeruke.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×