Wasilewski orambira kuLeicester

MUTAMBI weLeicester, Marcin Wasilewski, akasaina kondirakiti itsva nechikwata ichi chinove shasha yePremier League. Chizvarwa chekuPoland, icho chakasimba zvikuru, chakasaina kondirakiti yegore rimwe chete iyo ichamuona achitambira nhabvu yake kuKing Power Stadium mwaka unotevera wa2016-17.Leicester ichange ichitamba nhabvu yayo muChampions League kekutanga munhorowondo yechikwata ichi.

Ruzivo rwaWasilewski runogona kubatsira zvikuru sezvo akambotamba muChampions League kare apo aitambira Anderlecht yekuBelgium.

Kubva zvaakatengwa neLeicester achibva kuBelgium mugore ra2013, mutambi uyu – uyo ane makore 36 okuberekwa akwanisa kutambira chikwata ichi ka72.

Asi mwaka wadarika akangokwanisa kutamba mitambo mipfumbamwe kuchikwata chaClaudio Ranieri apo chakahwina mukombe iye angotamba mitatu chete yePremier League.

Akanwisa kamwe chete muFA Cup chikwata chake chakaita mangange neTottenham muna Ndira, kanove kaive kechipiri achinwisa.

Chizvarwa chekuPoland ichi chakakwanisa kutambira nyika yacho ka60, uye akaimirira kumitambo yeEuro 2008 ne2012. — Daily Mail Football.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×