Musangano mukuru wembesa diki woitwa

Muchaneta Chimuka

GADZIRIRO dzemusangano mukuru we13th National Annual Seed Fair wevarimi vembesa dzakasiyana munyika muno nevamwe vachabva kunze kuti vazoratidzira kukosha kwadzo,  kunyanya mbesa diki dzinotirira muzuva, dzasvika kwamvura yacheka makumbo apo nyanzvi munyaya dzekurima dzichange dzichipakurira veruzhinji ruzivo rutsva rwekurima, zvikuru maringe nekurwisa kusanduka kwemamiriro ekunze.

Chirongwa ichi, icho chiri kukotsverwa nesangano reParticipatory Ecological Land Use Management (PELUM) Zimbabwe, chichaitwa kubva nomusi wa19  kusvika 20 Gumiguru muguta reHarare.

Chichaitwa pasi pedingindira rinoti “Kusimudzirwa  Kweramangwa, Kugadzirisa Kwatakabva Pasichigare”.

VaCollins Chirinda vanova mukushi wemashoko kusangano rePelum Zimbabwe vanoti chinangwa chavo ndechekupa dzidziso varimi vari munharaunda dzakatsaukana maringe nemarimiro akanaka.

“Musangano uyu tichauita kwemazuva maviri uye varimi vakasununguka kuuya kuzowaniswa ruzivo rwepachena. Tinovavarira kuti vange vachishandisa mbeu kwadzo dzinovapa goho rinogutsa asi riine utano. Tichange tiine nyanzvi dzezvekurima, vagadziri vemitemo, varimi nemadhumeni kureva kuti tinenge tiine dura reruzivo tichishandisa mukana uyu mukugoverana hunyanzvi hwakasiyana hwekurima,”  vanodaro.

VaChirinda vanoti pagungano iri pachange pachiitwa mitambo yepasichigare yemuno pamwechete neyekune dzimwe nyika, vanhu vachipemberera tsika nemagariro nekukoshesa kudya kwechivanhu.

“Tinoramba tichikurudzira varimi vedu kuti zvakakosha kuti vange vachishandisa manyowa kuburikidza nekugadzira makombositi kuitira kuti vasazodhurirwe nekutenga fetiraiza uye imwe yacho ine huturu hunokuvadza ivhu pamwe nekukonzera zvirwere kuvanhu nezvipfuyo,” vanodaro.

Chirongwa ichi chinoitwa gore negore nedonzvo rekuunganidza varimi nevamwe vakasiyana kuti vagovererane ruzivo rwekurima nekuva nesarudzo yembeu dzakanaka.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *