‘Musangotenga mishonga iyi’

BAZI rinoona nezvekusimudzirwa kwemadiridziro rinoti riri kushushikana zvikuru nekutengeswa kuri kuitwa mimwe mishonga inoshandiswa nevarimi pamisika – kunyanya yemikoto – richiti izvi zvine njodzi kune vanoishandisa.Mukushi wemashoko ari zvakare mukuru anoona nezvekunyoreswa kwemishonga (pestcides registar) kubazi iri, VaKwadzanai Mushore, vanoti kutengeswa kwemishonga iyi pamusika kutyorwa kwemutemo weFertilizers Farm Seeds and Remedies Act (Chapter 18:12) uyo wakadzikwa mugore ra1996 pamwe chete neweStatutory Instrument 144 of 2012 (Pesticides Regulations) unova unorambidza kutengeswa kwemishonga pose-pose.

“Mishonga yetumbuyu, makonzo, mapete kana yemasvosve inofanira kutengeswa bedzi nemakambani akanyoreswa nebazi redu. Nokudaro vatengesi vemumigwagwa vari panyatwa yekusungwa uye tiri kuyambira kana pachine vari kuita izvi kuti vamire nekuti kana vakabatwa imhosva huru,” vanodaro VaMushore.

Vanoti Zimbabwe yakatarisana nedambudziko revanhu vanongotengesa mishonga iyi – zvikuru muguta reHarare – vachinyepera vatengi kuti inoshanda mukuuraya tumbuyu.

“Varimi nevamwe veruzhinji havafanire kutenga mishonga iyi nekuti inopa dambudziko kune vanoibata pamwe nevari kure sezvo uturu hwayo huchifamba nemhepo. Mimwe mishonga iri kutengeswa zvisiri pamutemo inosanganisira Zinc Phosphade neAldicarb iyo ane ruvara rwakasviba uye inowanzotengeswa semushonga wezvipfukuto kana makonzo,” vanodaro.

VaMushore vanoti kusashandiswa kwemishonga iyi zvakanaka kunogona kuita kuti vanhu vasangane nematambudziko anosanganisira kugara vachipera simba.

“Vanhu vanenge vafema kana kushandisa mishonga iyoyo vanoita dambudziko rekupera simba, kushomeka kweropa mumuviri, kudonha mazino, kusasimba kweshaya, kuderera kwehuremu hwemuviri kana kungokasika kutyoka mabhonzo emuviri zvisina tsarukano.

“Mamwe matambudziko ndeanoti kuita manyoka, kukosora, kuita dzungu nezvimwe zvakasiyana,” vanodaro.

Mishonga iyi, vanodaro VaMushore, haitenderwi kutengeserwa munhu wose-wose nekuti iripo kushandiswe mumabasa ekurima uye inofanira kushandiswa nevanhu vakadzidziswa masevenzeserwo ayo.

Vanotizve bazi ravo riri kushanda nemapurisa nedonzvo rekuona kuti vari kutengesa mishonga iyi pamisika yemukoto vasungwe. VaMushore vanoti zvakare mimwe yemishonga iyi inenge iri yemanyepo, kunyangwe zvavo ichitengeswa yakaiswa mumagaba anoratidza kunge echokwadi nekuda kwezvinenge zvakanyorwa pamusoro.

Vamwe vanotengesa mishonga iyi vanoti havafi vakasiya basa ravo vachiti ndipo pari kubva raramo yavo.

“Tinozviziva kuti mishonga iyi inouraya vanhu kwete zvekutamba, asi kurarama ndiko kunosiyana. Isu tiripo kutsvaga mari, anenge atenga mishonga iyi akatadza kuishandisa nemazvo ndezvekwake, hatisungirwe izvozvo,” anodaro Tapiwa Ngucheni (25) uyo anotengesa mishonga yerudzi urwu muna First Street, muHarare.

Kwayedza payakaita ongororo muHarare, yakaona zvakare vamwe vana vari pasi pemakore gumi okuberekwa vachitengesa mishonga ine njodzi iyi.

“Mishonga iyi inohodhwa nevabereki vedu muzvitoro zvemuno, mimwe inobva kuZambia. Kana tikatengesa tinowanawo mari yechikoro,” anodaro mumwe wevana ava. Vana ava vaitoonekwa vachidya chikafu vagere pedyo nemishonga iyi uye vainge vasina hanya nekushandisa dziviriro yemagirovhosi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *