‘Musanyeberwe, hakuna muteuro unorapa Covid’

Malven Mugadzikwa

MUKURU wechechi yeJohanne Masowe kuCentenary anoti veruzhinji ngavasabatwa kumeso nemamwe maporofita kana vanamati vachinyengedzwa kuti kune muteuro kana mafuta akazodzwa anorapa chirwere cheCovid-19.

Madzibaba Biggie “Jonah” Musanzika vanoti kune mamwe maporofita nevakuru vemachechi vari kuudza vanamati kuti vatenge mafuta kana mvura dzavanoti vakanamatira vachiti zvinorapa Covid-19.

Vanoti uku kuita kwemaporofita anoda kungotora mari dzevanhu nekuti hazvishande.

“Tinokurudzira vanhu kuenda kuchipatara uye chechi yedu hairambidze mutendi wayo kunorapwa. Tinokurudzirawo mamwe machechi kuti vabvumire vatendi vavo kunobatsirwa kuzvipatara nekuti varapi vanotowedzerwa zivo naMwari.

“Hakuna hutachiona hunorapwa nemuteuro kana nemafuta akazodzwa sekureva kunoita mamwe maporofita nevatungamiri vemachechi. Vari kubata vanhu kumeso vachiti vane anointing oil kana anointing water inopedza coronavirus.

“Vanhu vakadai vanofanirwa kusungwa votongwa kumatare nekuti uku kubira vanhu mari kuri pachena uye zvinoita kuti chirwere cheCovid-19 chipararire. Chedu semaporofita nevakuru vemachechi kuparidza shoko raMwari nekudzinga mamhepo, zvikwambo nezvimwewo – kwete Covid-19,” vanodaro Madzibaba Jonah.

Asi vanoti vanhu vanofanirwa kunamatira kuti chirwere ichi chipere sezvo riri denda rabata pasi rose.

Vanoti vanamati – kusanganisira maporofita nevakuru vemachechi – vanofanirwa kuva mucherechedzo wakanaka kunyika, kunyanya panyaya dzekuterera zvinodiwa neHurumende mukudzivirira kupararira kweCovid-19.

Mukereke mavo vari kukurudzira vanhu kupfeka mamasiki uye pavanosangana huwandu hwavo haudarike makumi mashanu sezvakatarwa neHurumende.

“Tiri kushanda zvakanaka nechikwata chevakatumwa kuzoongorora kuti vanhu vari kutevedza murawo (taskforce). Takasununguka kuongororwa tose kuti hapana ane hutachiona here uye takagadzirira kuti pakave nemumwe wedu abatwa aine denda iri, tomboburitsa vose vaakanamata navo pachena kuti vaongorarwe kuitira kuti chirwere chisapararire.”

Vanotizve musangano ravo hapana ati aongororwa akabatwa aine coronavirus izvo zvavanotenda vachiti mucherechedzo wekuti vari kutevedzera mirawo yeHurumende maringe nekuzvidzivirira.

Sangano ravo rakambomisa kuti vanhu vanonamatirwa vachibatwa misoro uye mharidzo dzavo nehumwe hurongwa hunoda veruzhinji vari kuisa muzvikwata zvemaWhatsApp.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×