Abel Ndooka
VARUME vaviri vanozvidaidza nekuti The Fat and Furious — avo vane hurongwa hwekuchovha mabhasikoro kubva muHarare vakananga kuBulawayo senzira yekupemha mari — vari kubatsira nherera nevakwegura mumadhorobha nechikafu uye nezvimwe zvinodiwa mukudzivirira chirwere cheCovid-19.
Pasi pechirongwa chekuchovha mabhasikoro ichi, varume ava vanoda kuunganidza mari inosvika US$20 000 iyo ichazoshandiswa kubatsira vakwegura nenherera mumadhorobha nemaguta anosanganisira Chegutu, Kadoma, Kwekwe, Gweru neBulawayo.
VaClint Robinson naVaDon Macshaw vakatanga kuchovha mabhasikoro vachibva muHarare vakananga kuBulawayo nemusi wa6, Zvita.
Dhorobha kana guta roga-roga ravachadarika nemo, pamwe nevamwe vanoda kuvatevera, vachapfuura vachibatsira nherera dzinochengetwa mumisha yemo uye vakwegura nechikafu, mbatya, mamasiki nemasanitiser.
VaRobinson vanoti donzvo ravo riri pakuda kubatsira vanotambura zvichitevera kukanganiswa kwakaitwa mararamiro avo neCovid-19.
“Isu takaona sevana vemuZimbabwe kuti dzimwe hama dzedu kunze uko dziri kutambudzika zvikuru nekuda kweCovid-19. Vamwe havana pekutangira muupenyu hwavo saka isu takatanga chirongwa chedu cheFat and Furious icho tiri kuenda kuBulawayo tichichovha mabhasikoro.
“Tiri kukoka vamwe vanoda tichiti ngatibatanei tifambidzane kunyangwe vakachova makiromita mashanu chaiwo vanenge vatobatsira,” vanodaro.
“Patinenge tasvika tiri kubatsira nechikafu, hembe, mamasiki nemasanitiser kunherera nevakwegura. Isu hatina zvatiri kuda kubva pakubatsira hama neshamwari dzedu. Tingori nerudo rwekubatsira vamwe uye kuvasimudzira panguva ino yatiri kusaziva kuti tiri kunanga kupi nekuda kweCovid-19 iyi.”
Rwendo rwekuchovha mabhasikoro kubva muHarare rwuchatanga nemusi weSvondo uye pachasvika varume ava muChegutu, vachaswera vaine nherera dzinochengetwa pamusha weChegutu Community Care Children’s Home.
Vanozosimudzira musi weMuvhuro vakananga kuKadoma uko vachabatsira zvakare vakwegura vanochengetwa paWest View Old Age Home iri kuRimuka.
Nemusi weChipiri, vachananga kuKwekwe paKwekwe Precious Souls Foundation vozosimudzira voenda kuGweru uko vanonosvikira pamusha weMudavanhu ZimcareTrust for The Mentally and Physically Challenged.
Vachibva kuGweru, vanobva vananga kuBulawayo kuAlhuda Children’s Home nepaJubilee Cottages Barham Green.
“Hakuna chiri kuzotitadzisa kuti rwendo rwedu rubudirire, kunyangwe mvura ikanaya tichatoshingirira chete kusvika tasvika,” vanodaro VaRobinson.
Musi weSvondo, veFat and Furious vari kubikira vana vepaChegutu Community Care Children’s Centre chikafu apo vakabatsira zvekare nehembe, mamasiki, masanitiser nezvimwe.




