‘Mushandirapamwe wakakosha mukurima’

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE iri kutora matanho makuru ekusimudzira nyaya dzekurima uye yakagadzirira kuita shanduko inoendeka zvichitevera zvirongwa zvakasiyana-siyana zviri kuitwa neHurumende mukusimudzira upfumi hwenyika.

Vachitaura pamusangano weFAO Hand in Hand Initiative (HiH) muHarare nomusi weChitatu svondo rino, Gurukota rebazi rezveminda, kurima, mvura, hove nekusimudzirwa kwemaruwa, Dr Anxious Masuka, vanoti kurima ndihwo hwaro hwebudiriro yeupfumi hweZimbabwe. Vakapembedza chirongwa cheFAO Hand-in-Hand Initiative, chinotungamirwa neFood and Agriculture Organisation, chekusimudzira nyaya dzekurima mumaruwa.

“Chirongwa cheHand in Hand Initiative chine chinangwa chekupedza urombo uye nzara nekusimudzira kudyidzana pakati penyika, masangano akazvimiririra nevamwe vane chokuita nekukwezva mari. MuZimbabwe, chirongwa ichi chakanangana neurongwa hweHurumende hwokuda kushandura nyaya dzekurima nechikafu tichitarisa kudyidzana mukugadzirisa kurasikirwa kwechikafu pamwe nekusimudzira kurima kuvarimi vadiki,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti chirongwa ichi chiri kuitwa munyika makumi masere nenhatu pasi rose chakanangana nezvikamu zvina zvakakosha zvinoti kusanduka kwemamiriro ekunze, kuvandudzwa kwezvirimwa kana kuti goho nekusimudzirwa kwemaindasitiri ezvekurima uye kuwaniswa kwemichina nekusimudzirwa kwenyaya dzekushanya nekutengeserana.

“Zvisungo izvi zvine chinangwa chekuvandudza nyaya dzekurima muZimbabwe, izvo zvakakosha muraramo yevoruzhinji rwevanhu, avo vanosvika zvikamu makumi matanhatu nezviviri kubva muzana vanogara kumaruwa,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti kusanduka kwemamiriro ekunze kuri kuunza matambudziko gumi nefararira munyaya dzekurima munyika dziri mudunhu reSouthern Africa, nokudaro dzinofanira kuumba nzira kwadzo dzekuchengetedzwa kwechikafu nekusimudzira mabasa ekurima.

“Tichifambirana nemuono wemutungamiri wenyika, President Mnangagwa, weVision 2030, tinotarisira kuti munyika muno tirambe tichirima nenzira inotipa maguta uye chikafu chinovaka muviri kuti tirwise nzara, urombo uye zvirwere zvinouya nokuda kwekushaikwa kwechikafu zvakadai sekwashi,” vanodaro.

VaPatrice Talla, vanove sub-regional  coordinator weSouthern Africa kusangano reFAO, vanoti chirongwa ichi chakatanga makore mashoma apfuura chakanangana nekusimudzira kudyidzana pakati peHurumende nemasangano akazvimirira munyaya dzekurima.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *