Vana 39 000 vakaroodzwa

RIMWE boka rinoona nezvebudiriro nekugara kwakanaka kwevechidiki rakatanga chirongwa chekudzidzisa veruzhinji pamusoro pekuipa kwakaita tsika yekuroodza vanasikana vasati vabva zera.
Izvi zvinotevera ongororo yakaitwa nesangano reUnicef iyo inoratidza kuti vanasikana 39 000 ndumurwa vari kuroodzwa zuva roga-roga pasi rose.

Vachitaura neKwayedza, chamangwiza wesangano reReal Opportunities for Transformation Support (ROOTS), Muzvare Beatrice Savadye, vakati vari kufamba mumaguta ose enyika vachipa chenjedzo kuruzhinji nekuda kwenyaya iyi.

“Nyika yedu yakatarisana nekushungurudzwa kwemwanasikana, kunyanya avo vari mumhuri dzisina cheuviri. Vanoroodzwa kuvanhu vakuru nokuda kwekutsvaga kwekurasira vana ava nokushaya chekuvariritira nacho. Isu seboka reROOTS tiri kuti mwana haarodzwe asati abva zera.

“Uye mune mamwe makereke vanokurudzira kuwanikwa kwemwana achiri mudiki, dzimwe nguva rwuri ruchiva, izvi zvose hazvina kunaka nokuti mwanasikana haapihwe kodzero dzake, anongombunyikidzirwa kuwanano kunyangwe asingatode munhu wacho.

“Nyaya idzi dzawandisa zvikuru, kunyanya kuvana vari pasi pemakore 18 okuberekwa. Ongororo netsvakiridzo yakaitwa neUnicef iri kuratidza kuti vanasikana 39 000 vari kuroodzwa vachiri vadiki pasirose zuva nezuva izvo zvinotyisa,” vakadaro.

Vanoti boka ravo rinoshushikana zvakare nenyaya yekuti vanhukadzi vanombunyikidzwa pabonde.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×