Mutyairi abirwa furawa yekambani achitsvaga machipisi

Muchaneta Chimuka

MUTYAIRI wemarori kukambani yeBlue Ribbon Foods akabirwa makesi gumi efurawa mushure mekunge amisa rori iri paHuruyadzo Shopping Centre, kuChitungwiza panguva iyo akange ari kutsvaka machipisi ekutenga.

Tinotenda Chiropa (27) wekuZengeza 5, kuChitungwiza ndiye akasangana netsekwende iyi.

Tendai Natachu (26) wekuChitungwiza kwakare akamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates Court nemhosva yekuba pasi pechikamu cheSection 113(i) (a) (b) chemutemo weCriminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23.

Akabvuma mhosva yake.

Mutongi Daphine Maruta vakamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu asi vakazomubvisira mwedzi mishanu nechitsidzo chekuti haapari imwe mhosva yerudzi urwu makore matatu asati apfuura.

Mwedzi mumwechete wainge wasara, vakausendeka parutivi nechitsidzo chekuti anofanira kuripira mumhan’ari   uye kunofondoka paZengeza Primary School pasina muripo.

Muchuchisi Tendai Ruwocha vakaudza dare kuti nomusi wa9 Ndira 2023, paHuruyadzo Shopping Centre munguva dzemasikati, Natachu akatora mukana wekuti mumhan’ari aisava padyo nemotokari yake achibva amubira makesi gumi efurawa anokosha US$165 uye pakaburwa mashanu  bedzi anokosha US$82.50.

“Pazuva iri, ndakapaka rori refurawa paHuruyadzo Shopping Centre ndichida kunotenga machipisi (fresh chips). Saka ndakamirira kutambidzwa chikafu changu, ndipo pandakaona kutamba-tamba kwainge kuri kuita tende rainge rakafukidza furawa ndikamhanya kunotarisa ndakawana Natachu atocheka tende nebanga ari mushishi kudzikisa furawa uye imwe furawa yakanga yatoenda nevamwe vake vasati vabatwa. Ndakadaidzira veruzhinji vakandibatsira mukumubata tichibva taenda kunomhan’ara kumapurisa,” anodaro Chiropa.

Wellington Zhanda anova mumwe wevafakazi panyaya iyi anoti akabatsira Chiropa mukubata musungwa uyu.

“Paakati aona tende richiratidza kufamba-famba, takaenda tese tikawana Natachu achidzikisa furawa, imwe ainge atoiviga tichibva tamubata ndokumuendesa kumapurisa,” anodaro Zhanda.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *