Muchaneta Chimuka
GURUKOTA rezveminda, kurima, hove, madiridziro nekusimudzirwa kwevagari vekumaruwa, Dr Anxious Masuka, vanoti Zimbabwe ine mukana wakakura wekuwana goho rakanaka mwaka wezhizha uno zvichitevera kutsigirwa kuri kuitwa varimi neHurumende uye nekunaya kuri kuita mvura zvakaringana kune mamwe matunhu enyika.
Vakataura mashoko aya svondo rapera kuvadzidzi vepaZimbabwe National Defence University (ZNDU)
apo vaivafundisa maringe nekurima kunopa pundutso.
“Zvisinei nezvimhingamupinyi izvo tiri kusangana nazvo senyika uye pasi rose, Zimbabwe ine mukana wakakura wekubura goho rakanaka mumwaka wa2025-26 zvichitevera matanho ari kutorwa neHurumende ekuwanisa varimi zvekushandisa pasi pezvirongwa zvinosanganisira Presidential Inputs Scheme. Tinoda kurima chibage chakawanda kuti tisaramba tichipona nekutenga kana kutsigirwa nedzimwe nyika,” vanodaro.
Dr Masuka vanoti Zimbabwe ine zvinangwa zvinoendeka zvekusimudzira nyaya dzekurima nekuchengetwa kwezvipfuyo zveVision 2030, donzvo guru riri rekuona kuti munhu wese ava neraramo yakanaka.
“Tine zvekare chirongwa cheNational Development Strategy 1 (NDS1) neNDS2 zvinova zviri kuenderera mberi muna2025. Chinangwa chikuru chiri chekuona kuti nyika yaita maguta. Kuburikidza nechirongwa cheSmart Agriculture, tinokurudzira kurima nenzira yemasutso tichifambisa chirongwa cheHurumende chePfumvudza/Intwasa. Pamusoro pezvo, tine zvinangwa zvekare zvekusimudzira raramo yeruzhinji mukurima sezvo vanhu vachiwana mabasa anovapa chouviri zvichibatsira mukusimudzirwa kweupfumi hwenyika,” vanodaro.
Dr Masuka vanoti Hurumende iri kuita mabasa makukutu mukusimudzira kuchengetedzwa kwezvipfuyo, zvikuru sei kurwisa zvirwere zvakadai seJanuary Disease nekupa varimi mishonga yekurwisa zvishambwe pasi pechirongwa chePresidential Blitz Tick Grease Scheme.
“Hatidi kuramba tichirasikirwa nezvipfuyo nekuda kwenzara kana zvirwere saka tinotenda Hurumende nekutsigira varimi nekurwisa zvirwere zvakadai seJanuary Disease uye chirongwa chekuwanisa chikafu chezvipfuyo nekuvakwa kwemadhibha munyika,” vanodaro.




