Mutyairi wetekisi apondwa

Kingstone Mapupu

MUTYAIRI wetekisi,  Alec Sinoia (42),  wekuChegutu akawanikwa akapondwa svondo rapera mutumbi wake wakarara pamhene  mumugwagwa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu  reMashonaland West,  Inspector Ian Kohwera, vanoti mutumbi wemurume uyu wakawanikwa uine maronda akawanda kuPfupajena kuChegutu kwakare.

“Nyaya yekupondwa kwemurume uyu yakamhan’arwa kumapurisa naPaul Chipanda (35) wekuKaguvi 1 kuChegutu. Mapurisa akabva amhanya kuenda panzvimbo iyi vaine chikwata chematikitivha eCriminal Investigations Department (CID) Chegutu. Mutumbi uyu waiva neronda guru pachidya chekuruboshwe, maronda makuru maviri kugumbo rekuruboshwe  neronda rakadzika rekubaiwa nebanga kumagadziko ” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti nzeve yekuruboshwe yaivawo iine ronda hombe pamusoro.

“Motokari yemufi uyu yerudzi rweHonda Fit ine nhamba dzinoti AEP 5524 yaaishandisa setekisi mukutakura vanhu kuChegutu yakazowanikwa chinhambwe chemamita 181 kubva paiva nemutumbi uyu. Yaive yakaparadzwa zvinhu zvinosanganisira mahwindo uye girazi repamberi raiva rakaparadzwa riine buri pakati,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti mavhiri ose ari mana emotokari iyi aiva akabaiwa nesimbi yakatesva asina mweya.

Pamusoro pezvo, panzvimbo iyi paive nematsurundundu ekurwisana akaonekwa.  Ropa raiva rakamwararika zvekare chinhambwe chinoita mamita makumi mapfumbamwe kubva paiva nemotokari iyi.

“Dzimwe mbatya dzemufi uyu dzakawanikwa dziri pasi panzvimbo iyi. Mutumbi uyu wakazotakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheChegutu District Hospital kuti unoongororwa nanachiremba,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanokumbira kuruzhinji vane zvavanoziva nekuda kwenyaya iyi kuti vazivise mapurisa ari padyo navo kuti nhubu dzakaponda murume uyu dzisungwe.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *