Gororo rakasungirwa mhosva 203

Kingstone Mapupu

GORORO range rashaisa mufaro vagari vemupurovhinzi yeMasvingo, Tafadzwa Janyure Zimirenyika (29), akasungwa nekuda kwemhosva 203 dzinosanganisira kupaza dzimba nekuba midziyo yakasiyana,  kubata chibharo madzimai pamwe nekuponda.

Inspector Kudakwashe Dhewa vanova mutauriri wemapurisa kuMasvingo vanoti murume uyu akasungwa nguva pfupi yadarika mushure mekunge mapurisa anyeverwa neveruzhinji nekuda kwekupara kwake mhosva.

“Tine murume anonzi Tafadzwa Janyure Zimirenyika (29) akasungwa nemapurisa ekwaNgundu nekuda kwemhosva dzinosanganisa kupaza nekuba, kubata chibharo

nekuponda. Anonzi akapara mhosva idzi kunzvimbo dzakasiyana-siyana kuMasvingo kubva mugore ra2023 kusvika gore rino. Mapurisa achifambira mberi nekufeya, mhosva dzemurume uyu dzasvika 203 pamwe chete. Dzinosanganisira dzekuba, kupamba, kubata chibharo, kuponda, kuba motokari nekuparadza midziyo nedzimwewo dzakasiyana,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanoti mhosva idzi dzakaparwa kunzvimbo dzakadai seMwenezi, Ngundu, Renco, Muchakata neZaka.

“Dzinosanganisira yekuponda uko anonzi  akaita Jacob Museva uyo akatema nedemo remhando yepiki nemusi wa6 Chikumi gore rino apo mufi uyu akaedza kununura munhu waaida kubira panzvimbo yemabhizimisi yeLundi kuMwenezi,” vanodaro Insp Dhewa.

Musungwa uyu akatopinda mudare kekutanga  ndokudzoserwa mutirongo apo mhosva dzakawanda dzaanonzi akapara dziri kuramba dzichinyuka.

“Tinotenda veruzhinji nekuramba vachibatsira mapurisa nemashoko anoita kuti vakwanise kusunga nhubu dzinopara mhosva dzakasiyana. Nekuda kwekuwanda kwemhosva dzekubatwa chibharo kwemadzimai nekuponda, tinokurudzira veruzhinji kuti vamhan’arire vanhu vose vavanoona vachimberereka munharaunda dzavo pasina zvinangwa zvinoonekwa,” vanodaro Insp Dhewa.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *