Zunde raMambo kuMash East

Kazembe Maocha
KWAIVE kumakuwerere ekupemberera nekupakurirwa ruzivo paTraditional Leaders’ Day inodaidzwa kuti Zunde raMambo  yekudunhu reMashonaland East nemusi wa11 Gumiguru 2019 pa2 Brigade Headquarters, Harare.

Madzimambo edunhu iri ose ari 35 akauya achibva kumaDistrict mapfumbamwe edunhu iri. Commander we2 Brigade, Brigadier-General Siziba, gurukota reMashonaland East, Cde Apollonia Munzverengi pamwe naMajor-General Sigauke avo vaiva munyarikani mukuru, vaivepowo.

Maj-Gen Sigauke vakataura pamusoro pekukosha kwemadzimambo pakugutsa nyika nevanotambura mumatunhu uye pakuchengetedza tsika.

Mvura naya naya ndeimwe nzira yekuvandudza nayo Zunde raMambo. Murimisi (Sales Agronomist) weSeed Co kuMashonaland East, VaKazembe Maocha, vakazoudzawo gungano iri nezvekukosha kwekusarudza mbeu zvichienderana nedunhu uye zvainopa sezvo kurima rave bhizimusi.

Chekutanga kutarisa igoho, kozouya zvinobatsira pakuchengetedzwa kwaro uye nekuti rivepo. Kuzvidzivirira kuzvirwere nekugona kwembeu kuita midzi inodzika pasi zvinobatsirawo pakutorwa kwemvura nechikafu kure, uye kuti chibage chisangodonha kana paita mhepo izvo zvinozokonzera kuti murimi arasikirwe negoho.

Pakataurwawo nezvembeu dzemubindu dzinowanikwa kuSeed Co idzo dzinopa goho riri pamusoro kwazvo. Idzi dzinosanganisira madomasi, hanyanisi, rape yeRampart, makabichi, manwiwa nemagaka.

PaZunde raMambo iri, Seed Co yakabatsira nembeu yechibage iyo yakapihwa madzimambo. Varimisi veSeed Co vachatora minda yemadzimambo senzvimbo yekudzidzisa kurima kuitira kuderedza nzara mumatunhu uye kuwandudza goho revarimi.

Kazembe Maocha murimisi weSeed Co uye anobatika pa: 0772632866 / 0731037753 achishandawo naStanley Nyoka uyo anobatika pa0779037752

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *