Muzinda wevanhukadzi wakavhurwa

Daphne Machiri
VANHUKADZI vari kusangana nematambudziko ekushungurudzwa nenzira dzakasiyana vave kuzowana kwekutizira zvichitevera kuvakwa kwakaitwa muzinda weRozaria Memorial Trust kwaMurehwa uyo vachawana rubatsiro.

Muzinda uyu – uyo wakavakwa nerubatsiro rwenyika yeJapan – wakaparurwa zviri pamutemo kubhuku rekwaMagaya negurukota reMashonaland East, Cde Apolonia Munzverengwi. Vanoti muzinda uyu wakakosha zvikuru.

“Nzvimbo ino ichange ichibatsira nezvakasiyana zvinosanganisira kiriniki inobatsira vanasikana nemadzimai nekukasika, kunyanya avo vanenge vasangana nematambudziko sekubhinywa uye vachawana mukana wekudzikamiswa mupfungwa nekupihwa mazano ekuenderera neupenyu hwawo.

“Zvekare pachachengetwa vaye vasina pekugara,” vanodaro Cde Munzverengwi.

Mumiriri weJapan muno, Ambassador Toshiyuki Iwado, vanoti zvakakosha kuchengetedza nekusimudzira vanhukadzi.

“Mushure mekuona kutambudzika kwevanhukadzi, takaona zvakakosha kuti tiise ruoko nekuti kusimudzira vanhukadzi kusimudzira nyika,” vanodaro.

Vanoti veruzhinji – zvikuru vamwe vanhurume – vanofanirwa kushandura mafungiro avo pamusoro pevanhukadzi.

African Union Goodwill Ambassador Nyaradzayi Gumbonzvanda vanoti kuvakwa kwemuzinda uyu mucherechedzo wekuremekedza mushakabvu Mbuya Rozaria Murumisa Dizha avo vakasangana nematambudziko ekumbunyikidzwa nenzira dzakasiyana vachiri vadiki.

“Mbuya Rozaria vakaenda kumurume vaine makore gumi nematatu okuberekwa apo vaishungurudzwa zvikuru uye pavakasvitsa makore 28, vakange vave shirikadzi vakachengeta vana voga.

“Naizvozvo kuvakwa kwemuzinda uyu inzira yekusimudzira madzimai nevanasikana vechidiki,” vanodaro.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *