Muzukuru akaponderwa ‘Mafuta ekubikisa’

Muhamed Komboni

MURUME wekuPenhalonga ari kutsvagwa nemapurisa nemeso matsvuku mushure mekutiza mhosva yaari kupomerwa yekurova muzukuru wake zvakaipisisa izvo zvakazokonzera kuti afe apo akange agubhura netsaona bhodhoro remafuta ekubikisa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Tavhiringwa Kakohwa, vanotsinhira nyaya inosiririsa iyi.

Drunken Zengeni (20) wemubhuku rekwaZengeni, kwaMambo Mutasa, anonzi akarova muzukuru wake, Prince, neshamhu muviri wake wose mushure mekunge arasa mafuta ekubikisa.

Prince anonzi akabva anotemha “green pepper” yaiva mugadheni ndokuimedza uye apedza kuita izvi akazotanga kunzwa chirungurira.

Zengeni anonzi akaudza muzukuru wake kuti anwe mvura yakawanda kuti chirungurira chaainzwa chipere.

Mushure mekunwa mvura iyi, Prince anonzi akabva atanga kurutsa nemukanwa nemumhuno uyezve akanga asingachakwanisi kufema zvakanaka ndokubva afa.

Mbuya vaPrince ndivo vakazonomhan’ara zvakanga zvaitika kumapurisa ekuPenhalonga avo vakazotanga kuferefeta nyaya iyi.

Mutumbi wake wakazoongororwa ndokuonekwa kuti akanga akazvimba kumusana pamwe chete nekumagadziko ake.

Zengeni anonzi akabva anyangarika paakaona kuti muzukuru wake ainge afa.

Ast Insp Kakohwa vanokurudzira veruzhinji kuti vasiyane nemhirizhonga uye kurwisana kana vachinge vatadza kunzwanana asi kuti vatsvage vanovayananisa.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *