‘Muzukuru mwana, tinoranga’

Nyasha Bvudzijena

MUZUKURU akapotera kudare achiti ari kuoneswa pfumvu nanasekuru vake avo vanomurova vachida kuti abve pamusha wakasiiwa naamai vake avo vakashaika.

Berry Peisa akamhan’arira sekuru vake Enock Chimbendeswe nemunin’ina wavo Munyaradzi Chimbendeswe kudare reHarare Civil Court achikumbira gwaro rerunyararo. Mutongi Noah Gwatidzo akapa Peisa gwaro iri.

Peisa anoti ari kuoneswa ndondo nanasekuru vake.

“Vaviri ava ihanzvadzi dzamai vangu asi mushure mekunge amai vafa, vava kundirwisa vachiti ndibve pamusha wandakasiirwa hanzi ndiende kumusha kwababa vangu zvino ini handikuzive sezvo ndakakura ndichichengetwa kwanasekuru,” anodaro Peisa.

Anoti chishuwo chake ndechekuti pave nerunyararo pakati pake nanasekuru vake kusvika nyaya yavo yatongwa kwamambo wavo yekuti ndiani ane mvumo yekugara pamusha apa sezvo yakatomhan’arwa kare.

Achipawo divi rake, Enock anoti haana kumbobvira adzinga muzukuru wavo pamba, asi akangomuranga semwana.

“Isu kwedu muzukuru mwana saka kana atadza kunzwisisa zvatinenge tichiti aite tinomurova kuti apinde mugwara nekuti mvumo yacho tinayo sezvo tisina kusiyana namai vake nyakumubereka,” anodaro Enock.

Munyaradzi anotsinhira zvinotaurwa nemukoma wake achiti, “Nyaya yanetsa chete ndeyekuti Peisa ari kudzinga vamwe vana vemadzikoma ake vakafa pamba achida kugara oga sezvo achiti ndiye bedzi mwana wanyakufa. Saka isu tiri kuzvirambidza, zvakare hatingarege kusvika pamusha wehanzvadzi yedu nekuda kwemwana.”

Mutongi Gwatidzo akakurudzira runyararo pakati paPeisa nemadzisekuru ake achiti vanofanirwa kumirira kusvikira mambo wekudunhu ravo atonga nyaya yekuti ndiani muridzi wemusha wavari kunetserana uyu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×